Pakupedzisira iʋai nesimba munaShe, nomusimba rake guru. Shoŋgai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMŋari, mugone kumira mucirwa namano aDiaborosi. Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi naʋaɓati, naʋanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemŋeya yakaipa yeɗeŋga. Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMŋari, kuti mugone kudziʋisa pazuʋa rakaipa, nokuramba mumire mapedza ɀose. Naiɀoɀo mirai makasuŋga ɀiʋuno ɀenyu neɀokwaɗi, makapfeka cidzitiro cecifuʋa cokururama
Verenga chikamu ƲaEfeso 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: ƲaEfeso 6:10-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo