Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaEfeso 1:4-14

ƲaEfeso 1:4-14 SUB1949

seɀaakatisanaŋgura maari nyika isati yaʋambga, kuti tiʋe ʋatȿene ʋasinemhoȿa pamberi pake muruɗo; akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe ʋanakomana ʋake, seɀaakafadzwa pakuɗa kwake, kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzaakaŋgotipa hake muMuɗikanwa wake, kurumbidzwe; uyo watinedzikinuro maari neropa rake, iko kukaŋganwirwa kwokuɗarika kweɗu, nokuwanda kwenyasha dzake; dzaakawanza kwatiri nokucenjera kwose nokuziʋa; akatiziʋisa ɀakaʋanzika ɀokuɗa kwake, seɀaakafadzwa pakufuŋga kwake maari; kuti afambise kuzara kweŋguʋa, aʋuŋganidze munaKristu ɀose ɀiri kuɗeŋga, neɀiri pasi; munaiye, watakaitwa ʋo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokuraira kwaiye, unoita ɀose nokufuŋga kwokuɗa kwake; kuti tirumbidze kubginya kwake, isu takatarira kare kunaKristu; munaiye, nemi ʋo, makanzwa shoko reɀokwaɗi maari, iyo Evaŋgeri yokuponeswa kwenyu; munaiye, wamakatenda kwaari, mukaisirwa cisimbiso noMŋeya Mutȿene wamakapikirwa; uri ruɓatso rwenhaka yeɗu, kuratidza kudzikinurwa kwaʋanhu ʋaMŋari caiʋo, kuti kubginya kwake kurumbidzwe.

Verenga chikamu ƲaEfeso 1

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neƲaEfeso 1:4-14