Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Danieri 6:1-9

Danieri 6:1-9 SUB1949

Ɀino Dariusi wakaʋona kuti ɀakanaka kugadza macinda anezana namakumi maʋiri paʋushe bgake, ʋaifanira kuʋa paʋushe bgose; pamsoro paʋo wakagadza ʋakuru ʋatatu, Danieri ari mumŋe waʋo; kuti macinda awa aʋuye namashoko ose kwaʋari, ʋuye kuti mambo arege kutadzirwa. Ɀino Danieri uyu wakapfuʋura ʋamŋe ʋakuru namacinda, nokuti maari makaŋga munomŋeya wakanaka kwaɀo; mambo akaɗa kumuita mukuru woʋushe bgake bgose. Ipapo ʋakuru namacinda ʋakatȿaka mhoȿa yaʋaŋgapomera Danieri pamsoro poʋushe, asi ʋakashaiwa shoko kana mhoȿa, nokuti wakaŋga akatendeka, ʋuye kwakaŋga kusinakutadza kana mhoȿa kwaari. Ɀino ʋarume aʋa ʋakati: Hatiŋgatoŋgowani shoko pamsoro paDanieri uyu, kana tisiŋgamutȿakiri iro pamsoro pomurairo waMŋari wake. Ipapo ʋakuru aʋa namacinda ʋakaʋuŋganira kunamambo ʋari ʋazhinji, ʋakati kwaari: Mambo Dariusi, raramai nokusiŋgaperi. Ʋakuru ʋose ʋoʋushe, naʋarairi namacinda namakurukota namadzishe ʋakaraŋgana kuti mambo aite murairo nokutema cireʋo cakasimba, kuti aninani unokumbira cinhu kunamŋari upi noupi kana munhu upi noupi namazuʋa anamakumi matatu, asi kwamuri, imi mambo, awisirwe mugomba reshumba. Ɀino citemai cireʋo, imi mambo, muise zita renyu parunyoro, kuti cirege kuzoshandurwa, nomurairo waʋaMedia naʋaPersia usiŋgashandurwi. Naiɀoɀo mambo Dariusi akaisa zita rake parunyoro necireʋo.

Verenga chikamu Danieri 6