Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Danieri 3:1-7

Danieri 3:1-7 SUB1949

Ɀino mambo Nebukadnezari wakaita cifananidzo cendarama; cakaŋga cakaita makubiti makumi matanhatu pakureɓa, namakubiti matanhatu paʋupamhi; akacimisa paɓani reDura munyika yaBabironi. Ipapo mambo Nebukadnezari akatuma ʋanhu kundokokera macinda naʋarairi namadzishe naʋatoŋgi naʋaceŋgeti ʋefuma namakurukota naʋaziʋi ʋemirairo naʋaɓati ʋose ʋamatiʋi enyika, kuti ʋaʋuye kumutambo wokugadzwa kwecifananidzo cakaŋga camiswa naNebukadnezari. Ipapo macinda naʋarairi namadzishe naʋatoŋgi naʋaceŋgeti ʋefuma namakurukota naʋaziʋi ʋemirairo naʋaɓati ʋose ʋamatiʋi enyika ʋakaʋuŋganira kumutambo wokugadzwa kwecifananidzo cakaŋga camiswa naNebukadnezari; ʋakamira pamberi pecifananidzo cakaŋga camiswa naNebukadnezari. Ɀino muɗanidziri wakaɗanidzira aciti: Munorairwa imi ʋanhu, namarudzi, namarimi, kuti neŋguʋa yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, muwire pasi mucinamata cifananidzo cendarama cakamiswa namambo Nebukadnezari; aninani usiŋgawiri pasi acinamata, neŋguʋa iyo ucawisirwa mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo. Naiɀoɀo neŋguʋa iyo ʋanhu ʋose ʋacinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, ʋanhu ʋose namarudzi ose namarimi ose ʋakawira pasi ʋakanamata cifananidzo cendarama cakaŋga camiswa namambo Nebukadnezari.

Verenga chikamu Danieri 3