Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Danieri 2:24-49

Danieri 2:24-49 SUB1949

Naiɀoɀo Danieri akapinda kunaArioki, wakaŋga arairwa namambo kuparadza ʋacenjeri ʋeBabironi; akandoti kwaari: Rega hako kuparadza ʋacenjeri ʋeBabironi; ndiise pamberi pamambo, ndicaziʋisa mambo kuɗudzirwa kwaɀo. Ipapo Arioki akaisa Danieri pamberi pamambo nokukasira, akati kwaari: Ndawana munhu pakati paʋana ʋokutapxa ʋaJuda, ucaziʋisa mambo kuɗudzirwa kwaɀo. Mambo akapindura, akati kunaDanieri, wainzi Berteshazari: Iwe unogona kundiziʋisa kurota kwandakaʋona, nokuɗudzirwa kwaɀo here? Danieri akapindura pamberi pamambo, akati: Cinhu cakaʋanzika, cakarebga namambo, hakunaʋanenjere, kana ŋaŋga, kana ʋacenjeri, kana ʋafemberi ʋaŋgaziʋisa mambo iɀoɀo; asi kuɗeŋga kunaMŋari unoziʋisa ɀakaʋanzika; ndiye wakaziʋisa mambo Nebukadnezari ɀicazoʋa’po pamazuʋa okupedzisira. Kurota kwenyu, neɀamakaratidzwa mumusoro wenyu panhoʋo dzenyu, heɀi: Kana muri’mi, mambo, pfuŋgwa dzenyu dzakaʋuya kwamuri muri panhoʋo dzenyu, mukaraŋgarira ɀicazoitwa pashure; ɀino unoziʋisa ɀakaʋanzika, ndiye wakakuziʋisai ɀicazoitwa. Asi kana ndiri’ni, cinhu ici cakaʋanzika hacina‐kundiziʋiswa nokuɗa kwenjere dzandinadzo dzinopfuʋura dzaʋamŋe ʋapenyu ʋose, asi kuti mambo aziʋiswe kuɗudzirwa kwaɀo, ʋuye kuti muziʋiswe pfuŋgwa dziri mumŋoyo wenyu. Imi mambo makatarira, mukaʋona cifananidzo cikuru. Cifananidzo ici, caiʋa cikuru kwaɀo, caiʋa nokubginya kwakaiȿo‐naka, cakaŋga cimire pamberi penyu; cakaŋga cicityisa pakuʋonekwa kwaco. Kana ciri cifananidzo ici, musoro waco wakaŋga uri wendarama yakaiȿo‐naka, cifuʋa caco namaʋoko aco ɀakaŋga ɀiri ɀesirveri, ɗumbu raco neciʋuno caco ɀakaŋga ɀiri ɀendarira, makumbo aco akaŋga ari eɗare, ʋuye tsoka dzaco dzaiti pamŋe ɗare pamŋe ivu. Makaramba mucitarira kuȿikira muciʋona ibge riciʋezwa, asi ɀisiŋgaitwi namaʋoko omunhu, rikaroʋa cifananidzo patsoka dzaco dzaiʋa dzeɗare nevu, rikadziputsa‐putsa. Ipapo ɗare nevu nendarira nesirveri nendarama ɀakaputsanyiwa pamŋe cete, ɀikafanana nehundi iri pamapuriro neŋguʋa yezhezha; ɀikatorwa nemhepo, ɀikasawanirwa nɀimbo; asi ibge, rakaŋga raroʋa cifananidzo, rakazoita gomo guru, rikazadza pasi pose. Ndiɀo ɀamakarota; ɀino ticaɀiɗudzira pamberi pamambo. Imi mambo muri mambo wamadzimambo, makapiwa naMŋari wokuɗeŋga ʋushe noʋumambo nesimba nokubginya; pose panogara ʋana ʋaʋanhu, wakaisa paruʋoko rwenyu mhuka dzeɓundo neshiri dzokuɗeŋga, akakuitai muɓati waɀo ɀose; imi ndimi musoro wendarama. Shure kwenyu ʋumŋe ʋushe ʋucamuka, ʋuɗuku kwamuri; teʋere ʋushe bgecitatu bgendarira, ʋucaɓata panyika yose. Ʋushe bgecinna ʋucaʋa nesimba seɗare, seɀinoita ɗare rinoputsanya nokuparadza ɀose; seɀinoita ɗare rinopxanya iɀi ɀose, saiɀoɀo ʋucaputsanya nokupxanya. Ɀamakaʋona tsoka neɀigunwe, ɀakaitwa pamŋe nevu romuʋumbi wehari, pamŋe neɗare, ʋucaʋa ʋushe bgakaganhurwa; asi simba reɗare ricaʋa’mo, ɀamakaʋona ɗare rakaveŋganiswa nevu rokuʋumba naro. Ɀigunwe ɀamakumbo ɀaɀakaŋga ɀakaitwa pamŋe neɗare pamŋe nevu, saiɀoɀo ʋushe ʋucaʋa pamŋe nesimba, pamŋe haʋuŋgatani kuputsika. Ʋuye ɀamakaʋona ɗare rakaveŋganiswa nevu rokuʋumba naro, saiɀoɀo ʋacaveŋgana namarudzi aʋanhu, asi haʋaŋganamatirani, seɀinoita ɗare risiŋganamatirani nevu. Ɀino namazuʋa amadzimambo iwayo Mŋari wokuɗeŋga ucamutsa ʋushe, ʋusiŋgatoŋgozoparadzwi, ʋuye simba rabgo hariŋgapfuʋuri kunorumŋe rudzi rwaʋanhu; asi ibgo ʋucaputsanya nokuparadza ʋushe ubgo bgose, ibgo ʋucamira nokusiŋgaperi. Ɀamakaʋona ibge riciʋezwa mugomo, ɀisiŋgaitwi namaʋoko aʋanhu, rikaputsa‐putsa ɗare nendarira nevu nesirveri nendarama, Mŋari mukuru wakaziʋisa mambo ɀicazoitwa pashure; kurota uku ndokwaɀokwaɗi, nokuɗudzirwa kwaɀo ndokwaɀokwaɗi. Ipapo mambo Nebukadnezari akawira pasi neciso cake, akanamata Danieri, akaraira kuti ʋamuʋigire cipo neɀinonhuwira ɀinozipa. Mambo akapindura Danieri, akati: Ɀirokwaɀo, Mŋari wako ndiye Mŋari waʋamŋari, naShe wamadzimambo, nomuziʋisi weɀakaʋanzika, iwe ɀawakagona kuziʋisa cinhu ici cakaʋanzika. Ipapo mambo akaita Danieri mukuru, akamupa ɀipo ɀikuru ɀizhinji, akamuita muɓati wenyika yose yeBabironi, nokumuita ʋo mutariri mukuru waʋakacenjera ʋose ʋeBabironi. Danieri akakumbira kunamambo, akagadza Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋakaʋa ʋarairi ʋeɀinhu ɀose ɀenyika yeBabironi; asi Danieri wakagara pasuʋo ramambo.

Verenga chikamu Danieri 2