Negore recipiri rokuɓata ʋushe kwaNebukadnezari, Nebukadnezari wakarota hope; mŋeya wake ukatambudzika, hope dzake dzikatiza. Ipapo mambo akaraira kuti ʋacenjeri neŋaŋga naʋaroyi naʋaKardea ʋaɗanwe kuzoɗudzira mambo kurota kwake. Ipapo ʋakapinda ʋakamira pamberi pamambo. Mambo akati kwaʋari: Ndarota hope, ɀino mŋeya waŋgu unotambudzika ndiciti ndinzwisise kurota kwaŋgu. Ipapo ʋaKardea ʋakataura namambo norurimi rwaʋaSiria, ʋakati: Mambo ŋgaararame nokusiŋgaperi! Ʋudzai ʋaranda ʋenyu kurota kwenyu, isu tigokuziʋisai kuɗudzirwa kwaɀo. Mambo akapindura, akati kunaʋaKardea: Shoko ratemŋa neni; kana mukasandiziʋisa kurota kwaŋgu nokuɗudzirwa kwaɀo, mucagurwa‐gurwa, ʋuye dzimba dzenyu dzicaitwa ɗurunhuru. Asi kana mukandiziʋisa kurota kwaŋgu nokuɗudzirwa kwaɀo, mucapiwa neni ɀipo nemiɓairo nokukudzwa kukuru; naiɀoɀo cindiziʋisai kurota nokuɗudzirwa kwaɀo. Iʋo ʋakapindura rwecipiri, ʋaciti: Mambo ŋgaaʋudze ʋaranda ʋake kurota kwake, isu tigokuɀiʋisai kuɗudzirwa kwaɀo. Mambo akapindura, akati: Ndinoziʋa kwaɀo kuti imi munoŋgotȿaka kuwedzerwa ŋguʋa, nokuti munoʋona kuti shoko iri ratemŋa neni. Asi kana mukasandiziʋisa kurota kwaŋgu, mucarobga nomurairo mumŋe cete, nokuti makaɀigadzira kutaura mashoko enhema akashata pamberi paŋgu, kuȿikira ŋguʋa yashanduka; naiɀoɀo cindiʋudzai kurota kwaŋgu, ipapo ndicaziʋa kuti muŋgandiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo. ƲaKardea ʋakapindura pamberi pamambo, ʋakati: Hakunomunhu pasi pose uŋgagona kuziʋisa shoko iri ramambo, nokuti hakunamambo kana ishe, kana muɓati, wakatoŋgotȿaka cinhu cakaɗai kunowakacenjera kana ŋaŋga, kana muKardea upi noupi. Cinhu cinobvunzwa namambo cikuru kwaɀo, hakuna‐uŋgaciziʋisa kunamambo, asi ʋamŋari ʋasiŋgagari naʋanhu. Nemhaka iyi mambo akatsamŋa, akaʋa nehasha kwaɀo, akaraira kuti ʋacenjeri ʋose ʋeBabironi ʋaʋurawe. Naiɀoɀo cireʋo cakatemŋa kuti ʋacenjeri ʋaʋurawe, ʋakatȿaka ʋo Danieri neshamŋari dzake kuti ʋaʋurawe. Ipapo Danieri akapindura Arioki nenjere nokuŋgwara, iye mukuru waʋarindi ʋamambo, wakaŋga aɓuɗa kundoʋuraya ʋacenjeri ʋeBabironi; wakapindura, akati kunaArioki mukuru wamambo: Cireʋo ici camambo cinehasha neiko? Ipapo Arioki akaziʋisa Danieri shoko iro. Ɀino Danieri akapinda kunamambo, akakumbira kwaari, kuti amutarire ŋguʋa, aziʋise mambo kuɗudzirwa kwaɀo.