Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaKorose 3

3
Iʋai ʋatȿene, muciɗana.
1Naiɀoɀo, kana makamutswa pamŋe cete naKristu, tȿakai ɀiri kumsoro, uko kunaKristu, ugere kurudyi rwaMŋari. 2Fuŋgai ɀiri kumsoro, musafuŋga ɀiri pasi. 3Nokuti makafa, ʋupenyu bgenyu bgakaʋigwa pamŋe cete naKristu munaMŋari. 4Kana Kristu, iye ʋupenyu bgeɗu, aciʋonekwa, nemi ʋo mucaʋonekwa pamŋe cete naye pakubginya.
5Naiɀoɀo ʋurayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Ʋupombge, netȿina, nokushumba, nokuɗa ɀakaipa, nokuciʋa, ndiko kunamata ɀifananidzo. 6Nokuɗa kwaiɀoɀi kutsamŋa kwaMŋari kunoʋuya pamsoro paʋana ʋokusaterera; 7nemi ʋo maifamba maɀiri kare, maigara muɀinhu iɀi. 8Asi ɀino, imi ʋo, bvisai iɀi ɀose, ɀinoti: Hasha, nokutsamŋa, nokuʋeŋga, nokutuka, nokutaura ɀinonyadzisa nomuromo wenyu. 9Regai kureʋerana nhema, ɀamakabvisa munhu wekare namaɓasa ake, 10mukafuka munhu mutȿa, unoʋandudzwa pakuziʋa, afanane nowakamusika; 11apo hapana‐muGiriki nomuJuda, kudziŋgiswa nokusadziŋgiswa, mutorwa nomuSitia, musuŋgwa nowakasunuŋguka; asi Kristu ndiye ɀose, ʋuye uri munaʋose.
12Naiɀoɀo, saʋasanaŋgurwa ʋaMŋari, ʋatȿene naʋanoɗikanwa, fukai mŋoyo unetsitsi, nomŋoyo munyoro, nokusaɀikudza, noʋunyoro, nomŋoyo murefu; 13muitirane mŋoyo murefu, mucikaŋganwirana, kana munhu anemhoȿa nomumŋe; Ishe seɀaakakukaŋganwirai, muite saiɀoɀo nemi ʋo. 14Ɀino pamsoro peɀinhu iɀi ɀose fukai ruɗo, ndico cisuŋgo cinokwanisa. 15norugare rwaKristu ŋgaruteme ɀireʋo mumŋoyo yenyu, ndirwo rwamakaɗanirwa ʋo mumuʋiri mumŋe; iʋai nokuʋoŋga. 16Shoko raKristu ŋgarigare mukati menyu riwande; nokucenjera kwose mudzidzisane, nokurairana namapisarema, nenziyo, neɀiimbo ɀomŋeya, muimbire Mŋari nenyasha mumŋoyo menyu; 17ʋuye ɀose ɀamunoita, kana ɀiri ɀeshoko kana ɓasa, itai ɀose nezita raShe Jesu, muciʋoŋga Mŋari Ƃaɓa naye.
Ʋakristu mumba maʋo.
18Ʋakadzi, muɀiise pasi paʋarume ʋenyu, seɀaɀakafanira munaShe. 19Ʋarume, iɗai ʋakadzi ʋenyu, regai kuʋa nehasha naʋo. 20Ʋana, tererai ʋaɓereki ʋenyu paɀinhu ɀose, nokuti ndiɀo ɀakanaka munaShe. 21Madziɓaɓa, regai kunetsa ʋana ʋenyu, kuti ʋarege kuʋora mŋoyo. 22Ʋaranda, tererai paɀinhu ɀose ʋatenzi ʋenyu panyama; regai kuɓata pamberi pameso aʋo, saʋafadzi ʋaʋanhu, asi nomŋoyo wakarurama mucitya Ishe. 23Ɀose ɀamunoita, muɀiitei nomŋoyo wose, sokunaShe, musiŋgaitiri ʋanhu; 24muciziʋa kuti mucapiwa naShe muɓairo wenhaka; nokuti munoɓatira Ishe Kristu. 25Nokuti unoita ɀisakarurama, ucapiwa ɀisakarurama ɀaakaita; haɀizi ɀinoʋonekwa ɀomunhu ɀinotendwa.

Zvasarudzwa nguva ino

ƲaKorose 3: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda