Maɓasa Aʋaapostora 4
4
Petro naJohane ʋanosuŋgwa.
1Ʋakati ʋacataura naʋanhu, ʋaprista nomukuru wetembere naʋaSaduse ʋakaʋuya kwaʋari, 2ʋafa neshuŋgu, nokuti ʋakaŋga ʋacidzidzisa ʋanhu, ʋaciparidza kumuka kwaʋakafa munaJesu. 3Ʋakaʋaɓata, ʋakaʋaisa mutoroŋgo kuȿikira maŋgwana; nokuti akaŋga aʋa maɗekwana. 4Asi ʋazhinji kunaʋakanzwa shoko ʋakatenda; ʋarume ʋakazoȿika ɀuru ɀineŋge ɀishanu pakuʋereŋgwa kwaʋo.
5Ɀino fume maŋgwana ʋaɓati ʋaʋo, naʋakuru, naʋanyori ʋakaʋuŋgana paJerusarema; 6naAnasi, muprista mukuru, naKayafasi, naJohane, naAreksandro, nehama dzose dzomuprista mukuru, 7ʋakaʋaisa pakati paʋo, ʋakaʋabvunzisisa, ʋaciti: Makaɀiita iɀoɀi nesimba rei, kana nezita ripiko? 8Ɀino Petro, azere noMŋeya Mutȿene, akati kwaʋari: Imi ʋaɓati ʋaʋanhu, 9kana tikabvunzwa nhasi pamsoro peɓasa rakanaka, rakaitirwa munhu cirema, napaakaponeswa napo; 10muziʋe imi mose, naʋanhu ʋose ʋaIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakaroʋera pamucinjikwa, iye wakamutswa naMŋari kuʋakafa, nezita iri munhu uyu umire pano pamberi penyu apora. 11Ndiye ibge rakaɀidzwa nemi ʋaʋaki, rikaitwa musoro wekona. 12Nokuti hakunakuponeswa kunomumŋe; nokuti hakunerimŋe zita pasi peɗeŋga, rakapiwa pakati paʋanhu, ratiŋgasunuŋgurwa naro.
13Ɀino ʋakati ʋaciʋona kusatya kwaPetro naJohane, ʋacinzwisisa kuti ʋaiʋa ʋanhu ʋasina‐kudzidza, ʋasiŋgaziʋi cinhu, ʋakashamiswa; ʋakaʋaziʋa kuti ʋaiʋa naJesu. 14Ʋakaʋona ʋo munhu, wakaŋga aporeswa, amire naʋo, ʋakashaiwa caʋaŋgapindura naco. 15Ɀino ʋakati ʋaʋaraira kuti ʋaɓuɗe paʋuŋgano, ʋakaraŋgana pakati paʋo, 16ʋaciti: Ʋanhu aʋa ticaʋaita seiko? Nokuti ʋanhu ʋose ʋagere Jerusarema ʋaʋona kwaɀo kuti ciratidzo caitwa naʋo; hatigoni kuramba isu. 17Asi ŋgatiʋanyeʋere kuti ʋarege kuzotaura nomunhu upi noupi nezita iri, kuti ɀirege kuramba ɀiciparadzirwa pakati paʋanhu. 18Ʋakaʋaɗana, ʋakaʋaraira kuti ʋarege cose kutaura kana kudzidzisa nezita raJesu. 19Asi Petro naJohane ʋakapindura, ʋakati kwaʋari: Toŋgai henyu imi, kana ɀiŋgaʋa ɀakarurama pamberi paMŋari, kuti titerere imi kupfuʋura Mŋari. 20Nokuti hatigoni isu kurega kutaura ɀatakaʋona, neɀatakanzwa. 21Ɀino ʋakati ʋawedzera kuʋanyeʋera, ʋakaʋaregedza, ʋasiŋgawani mhoȿa yaʋaŋgaʋaroʋa nayo nokuɗa kwaʋanhu; nokuti ʋose ʋairumbidza Mŋari pamsoro peɀakaitwa; 22nokuti munhu wakaŋga aitirwa ciratidzo ici wakaŋga anamakore makumi manna anemiraʋudzo.
23Ʋakati ʋaregedzwa, ʋakaenda kunoʋokwaʋo, ʋakandoʋaʋudza ɀose ɀaʋakaŋga ʋaʋudzwa naʋaprista ʋakuru naʋakuru. 24Iʋo ʋakati ʋaɀinzwa, ʋakaɗana kunaMŋari nomŋoyo mumŋe, ʋaciti: Tenzi, ndimi makaita ɗeŋga napasi, neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo; 25makareʋa noMŋeya Mutȿene, nomuromo waɓaɓa ʋeɗu Davidi, muranda wenyu, muciti:
Ʋahedeni ʋakaitireiko hasha,
Naʋanhu ʋakafuŋgireiko ɀisinamaturo?
26Madzimambo enyika akamuka,
Naʋaɓati ʋakaʋuŋgana pamŋe cete,
Kurwa naShe naKristu wake.
27Nokuti ɀirokwaɀo Herode, naPontio Pirato, naʋahedeni, naʋanhu ʋaIsraeri ʋakaʋuŋganira muguta iri, kuzorwa naJesu Muranda wenyu mutȿene, wamakazodza; 28kuti ʋaite ɀose ɀakaŋga ɀatemŋa noruʋoko rwenyu, napakufuŋga kwenyu, kuti ɀiitwe. 29Ɀino, Ishe, tarirai kunyeʋera kwaʋo, muɓatsire ʋaranda ʋenyu kuti ʋataure shoko renyu ʋasiŋgatoŋgotyi, 30mutambanudze ruʋoko rwenyu kuzoporesa; neɀiratidzo neɀishamiso ɀiitwe nezita raJesu, Muranda wenyu mutȿene. 31Ɀino ʋakati ʋanyeŋgetera, nɀimbo yaʋakaŋga ʋakaʋuŋgana pairi ikazunuŋguswa; ʋakazadzwa ʋose noMŋeya Mutȿene, ʋakataura shoko raMŋari ʋasiŋgatyi.
Kunzwana kwaʋatendi.
32Ɀino ʋazhinji ʋose ʋaʋaitenda ʋaiʋa nomŋoyo mumŋe nomŋeya mumŋe; kwakaŋga kusinomumŋe waiti cimŋe caaiʋa naco ndecake, asi ɀinhu ɀose ʋakati ndeɀaʋose. 33Ʋaapostora ʋaipupurira kumuka kwaJesu nesimba guru; nyasha huru ikaʋa’po pamsoro paʋo ʋose. 34Nokuti pakaŋga pasinawaishaiwa pakati paʋo, nokuti ʋose ʋaiʋa neminda kana dzimba, ʋakaɀiteŋgesa, ʋakaʋuya nomuteŋgo weɀakateŋgeswa, 35ʋakaɀiisa pamberi paʋaapostora; mumŋe nomumŋe akagoʋerwa paakashaiwa napo.
36NaJosefa, wakatumidzwa naʋaapostora acinzi Barnabasi, (ndokuti Mŋanakomana wokunyaradza, kana ɀicishandurwa), muRevi, munhu weKupro parudzi rwake, 37waiʋa nomunda; akauteŋgesa, akaʋuya nemari, akaiisa pamberi paʋaapostora.
Zvasarudzwa nguva ino
Maɓasa Aʋaapostora 4: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018