Ʋakamuterera kuȿikira pashoko iro; ipapo ʋakaɗanidzira, ʋaciti: wakaɗai ŋgaabviswe panyika; nokuti haafaniri kurarama. Ʋakaɗanidzira, ʋakakandira ŋguʋo dzaʋo pasi, ʋacikushira ivu kuɗeŋga, mukuru wecuru camazana akaraira, kuti aiswe kuimba yaʋarwi, aciti abvunzwe nokurobga ɀikuru, kuti aziʋe mhoȿa yaʋakaŋga ʋamupopoterera kuɗai. Ɀino ʋakati ʋamusuŋga namakashu, Pauro akati kumukuru wezana, wakaŋga amire’po: Makatenderwa kuroʋa munhu uri muRoma, asina‐kutoŋgwa here? Ɀino mukuru wezana wakati aciɀinzwa, akaenda kumukuru wecuru camazana, akamuʋudza akati: Munoɗa kuiteiko? Nokuti munhu uyu muRoma. Mukuru wecuru camazana akaʋuya akati kwaari: Ndiʋudze, uri muRoma here? Akati: Hoŋo. Mukuru wecuru camazana akati: Ini ndakateŋga simba iri rokuʋa muRoma nomuteŋgo mukuru. Pauro akati: Ini ndakaɓerekwa ndiri muRoma. Ɀino ʋakaŋga ʋomubvunzisisa, ʋakabva kwaari pakarepo, nomukuru wecuru camazana wakatya ʋo aciziʋa kuti iye muRoma, ʋuye nokuti wakaŋga amusuŋga.
Verenga chikamu Maɓasa Aʋaapostora 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Maɓasa Aʋaapostora 22:22-29
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo