Maɓasa Aʋaapostora 2
2
Mŋeya Mutȿene unoɗururwa.
1Ɀino zuʋa rePentekosta rakati raȿika, ʋakaŋga ʋakaʋuŋgana ʋose pamŋe cete panɀimbo imŋe. 2Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovuvuta nesimba kwakabva kuɗeŋga, kukazadza imba yose maʋakaŋga ʋagere. 3Ʋakaʋona ʋo ndimi dziciparadzana, dzineŋge dzomŋoto; ndokumhara pamusoro womumŋe nomumŋe waʋo. 4Ʋose ʋakazadzwa noMŋeya Mutȿene, ʋakataŋga kutaura nedzimŋe ndimi, paʋakapiwa napo noMŋeya kureʋa.
5Ɀino paJerusarema pakaŋga pagere ʋaJuda, ʋarume ʋakarurama, ʋaibva kumarudzi ose pasi peɗeŋga. 6Ɀino kutinhira uku kwakati kwanzwika, ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuŋgana, ʋakakaŋganiswa, nokuti mumŋe nomumŋe wakaʋanzwa, ʋacitaura norurimi rwake. 7Ʋakakatyamara ʋose, nokushamiswa, ʋaciti: Tarirai, aʋa ʋose ʋanotaura haʋazi ʋaGarirea here? 8Ɀino tinogoʋanzwa seiko mumŋe nomumŋe norurimi rweɗu, rwatakaɓerekwa narwo? 9ƲaPartia, naʋaMedia, naʋaErami, naʋanogara Mesopotamia, neJudea, neKapadokia, nePonto, neAsia, 10neFrigia, nePamfiria, neEgipita, namatiʋi enyika dzeRibia, dziri pedyo neKurine, naʋaeni ʋabva Roma, naʋaJuda, naʋaproserite, 11naʋaKrete, naʋaArabia, tinoʋanzwa ʋacitaura nendimi dzeɗu maɓasa makuru aMŋari. 12Ʋakakatyamara ʋose, ʋakakaŋganiswa, ndokutaurirana, ʋaciti: Iɀi ɀinoti kuɗiniko? 13Asi ʋamŋe ʋakaseka, ʋaciti: Ʋaguta waini itȿa.
Kuparidza kwaPetro.
14Ɀino Petro amire naʋanegumi nomumŋe, akaɗanidzira, akaparidza kwaʋari, aciti: Ʋarume ʋeJudea, nemi mose mugere Jerusarema, cinhu ici ŋgacizikanwe nemi, muterere mashoko aŋgu, 15nokuti aʋa haʋana‐kuɓatwa, seɀamunofuŋga imi, ɀaiciri ŋguʋa yecitanhatu yezuʋa, 16asi ici ndico cakarebga nomuprofita Joeri, aciti:
17Mŋari unoti: Namazuʋa okupedzisira,
Ndicaɗurura ɀoMŋeya waŋgu pamsoro penyama yose;
Ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu ʋacaprofita;
Majaya enyu acaʋona ɀiratidzo,
Naʋatana ʋenyu ʋacarota hope.
18Napamsoro paʋaranda ʋaŋgu napamsoro paʋashandiri ʋaŋgu,
Ndicaɗurura ɀomŋeya waŋgu namazuʋa iwayo; ʋacaprofita.
19Ndicaita ɀinoshamisa kuɗeŋga kumsoro,
Neɀiratidzo panyika pasi;
Ropa, nomŋoto, nemhute yoʋutsi.
20Zuʋa ricashandurwa rima,
Nomŋedzi ucashandurwa ropa.
Zuʋa guru raShe rinobginya risati raȿika.
21Ɀino kucaitika kuti aninani unoɗana zita raShe ucaponeswa. 22Ʋarume ʋaIsraeri, ɗonzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakaratidzwa naMŋari kwamuri namaɓasa esimba, neɀishamiso, neɀiratidzo ɀakaitwa naMŋari pakati penyu naye, seɀamunoziʋa imi mumene; 23iye, wakaiswa kwamuri nomutemo nokuziʋa ɀiri mberi kwaMŋari, imi makamuroʋera pamucinjikwa, mukamuʋuraya namaʋoko aʋanhu ʋasiŋgatereri murairo; 24iye wakamutswa naMŋari, amusunuŋgura pakurwadziwa kworufu; nokuti ɀakaŋga ɀisiŋgabviri kuti aɓatwe narwo. 25Nokuti Davidi wakataura pamsoro pake, aciti:
Ndakaʋona Ishe pamberi paŋgu misi yose,
Nokuti uri kurudyi rwaŋgu, kuti ndirege kuzunuŋguswa.
26Naiɀoɀo mŋoyo waŋgu wakafara, norurimi rwaŋgu rwakafarisisa;
Ʋuye ɀe, nenyama yaŋgu icazorora netariro.
27Nokuti hamuŋgasiyi mŋeya waŋgu muHadesi;
Hamuŋgaisi Mutȿene wenyu kuti aʋone kuʋora.
28Makandiziʋisa nzira dzoʋupenyu;
Mucandizadzisa nomufaro ndiciʋona ciso cenyu.
29Ʋarume, hama, ndiŋgakuʋudzai pacena ɀateteguru Davidi, kuti ʋakafa, ʋakaʋigwa, bgiro bgaʋo bguri pakati peɗu kuȿikira nhasi. 30Ɀino ɀaakaŋga ari muprofita, aciziʋa ʋo kuti Mŋari wakamupikira nemhiko kuti ucagadza pacigaro cake coʋushe mumŋe weɀiɓereko ɀeciʋuno cake, 31ɀaaiʋona ɀiri mberi, wakareʋa pamsoro pokumuka kwaKristu, kuti haanakusiyiwa paHadesi, nenyama yake hainakuʋora. 32Uyu Jesu wakamutswa naMŋari, isu tiri ɀapupu ɀake tose. 33Ɀino wakati asimudzirwa kurudyi rwaMŋari, apiwa naƂaɓa cipikirwa coMŋeya Mutȿene, akaɗurura iɀi ɀamunoʋona neɀamunonzwa. 34Nokuti Davidi haana‐kukwira kuɗeŋga, asi unoti amene:
Ishe wakati kunaShe waŋgu:
Gara kurudyi rwaŋgu,
35Kuȿikira ndiciita ʋaʋeŋgi ʋako ʋaʋe citsiko cetsoka dzako. 36Ɀino imba yose yaʋaIsraeri ŋgaiziʋe kwaɀo, kuti uyu Jesu wamakaroʋera pamucinjikwa, Mŋari wakamuita Ishe naKristu.
37Ɀino ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakaɓayiwa pamŋoyo, ʋakati kunaPetro nokunaʋamŋe ʋaapostora: Ʋarume, hama, ticaiteiko? 38Petro akati kwaʋari: Tendeʋukai, mumŋe nomumŋe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukaŋganwirwe ɀiʋi, mupiwe cipiwa coMŋeya Mutȿene. 39Nokuti cipikirwa ndecenyu, naʋana ʋenyu, naʋose ʋari kure, ʋanozoɗanwa naShe, Mŋari weɗu. 40Akapupura kwaɀo namamŋe mashoko mazhinji, akaʋaraira, aciti: Muɀiponese parudzi urwu rwakakombama. 41Ɀino aʋo ʋakagamucira shoko rake, ʋakabapatidzwa; nezuʋa iro ʋanhu ʋaneŋge ɀuru ɀitatu ʋakawedzerwa. 42Ʋakatsuŋgirira pakudzidzisa kwaʋaapostora, napakuyanana kwaʋo, napakumeɗura ciŋgwa, napaminyeŋgetero.
43Ʋanhu ʋose ʋakaɓatwa nokutya; ɀinoshamisa ɀizhinji neɀiratidzo ɀikaitwa naʋaapostora. 44Naʋaitenda ʋose, ʋaiʋa pamŋe cete, ʋakati ɀinhu ɀose ndeɀaʋose; 45ʋakateŋgesa fuma yaʋo nenhumbi, ʋakagoʋana naʋose, mumŋe nomumŋe paakashaiwa napo. 46Ɀuʋa rimŋe nerimŋe ʋakaŋga ʋacitsuŋgirira mutembere nomŋoyo mumŋe, ʋacimeɗura ciŋgwa mudzimba dzaʋo, ʋacidya ɀokudya ɀaʋo nomufaro nomŋoyo wakanaka, 47ʋacirumbidza Mŋari, ʋaciɗikanwa naʋanhu ʋose. Ishe akawedzera kwaʋari zuʋa rimŋe nerimŋe aʋo ʋaiponeswa.
Zvasarudzwa nguva ino
Maɓasa Aʋaapostora 2: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018