Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maɓasa Aʋaapostora 15:1-11

Maɓasa Aʋaapostora 15:1-11 SUB1949

Ɀino ʋamŋe ʋakaɓuruka Judea, ʋakadzidzisa hama, ʋaciti: Kana musiŋgadziŋgiswi netsika yaMosesi, hamuŋgaponeswi. Asi Pauro naBarnabasi ʋakapesana kwaɀo naʋo, nokuita nharo naʋo, ʋakazotenderana kuti Pauro naBarnabasi naʋamŋe ʋaʋo ʋakwire Jerusarema kuʋaapostora naʋakuru pamsoro peshoko iri. Naiɀoɀo ʋakaperekedzwa nekereke, ʋakagura neFenike neSamaria, ʋakataura ɀokutendeʋuka kwaʋahedeni; ʋakafadza ɀikuru hama dzose. Ɀino ʋakati ʋaȿika Jerusarema, ʋakagamucirwa nekereke, naʋaapostora, naʋakuru; ʋakarondedzera ɀose ɀakaitwa naMŋari naʋo. Asi ʋamŋe ʋedzidziso yaʋaFarise, ʋaitenda, ʋakasimuka, ʋakati, ʋanofanira kudziŋgiswa nokurairwa kuti ʋaceŋgete murairo waMosesi. Ipapo ʋaapostora naʋakuru ʋakaʋuŋgana kuti ʋaraŋgane pamsoro peshoko iri. Ɀino, nharo huru dzakati dzaʋa’po, Petro akasimuka akati kwaʋari: Ʋarume, hama, munoziʋa kuti kubva pamazuʋa akare Mŋari wakandisanaŋgura pakati penyu, kuti ʋahedeni ʋanzwe shoko reEvaŋgeri nomuromo waŋgu, ʋatende. Ɀino Mŋari, muziʋi womŋoyo, wakaʋapupurira, akaʋapa Mŋeya Mutȿene sesu; haanakutsaura pakati peɗu naʋo, ɀaakanatsa mŋoyo yaʋo nokutenda. Naiɀoɀo ɀino, munoidzireiko Mŋari, muciisa pamitsipa yaʋadzidzi joko, rakaŋga risiŋgagoni kutakurwa namadziɓaɓa eɗu kunyaŋge nesu? Asi tinotenda kuti isu ticaponeswa nenyasha dzaShe Jesu nomutoʋo mumŋe naʋo.