Ɀino paRistra paigara mumŋe murume wakaŋga asinesimba patsoka dzake, cirema kubva paɗumbu ramai ʋake, asina‐kutoŋgofamba. Iye wakanzwa Pauro acitaura; ɀino iye wakati acimutarisisa, akaʋona kuti unokutenda kuti uŋgaporeswa, akati nenzwi guru: Mira kwaɀo netsoka dzako. Iye akavazuka, akafamba. Ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaʋona ɀaitwa naPauro, ʋakaɗanidzira norurimi rwaʋaRikaonia, ʋaciti: Ʋamŋari ʋaɓurukira kwatiri, ʋaita saʋanhu. Barnabasi ʋakamutumidza Jupiteri, naPauro Merkurio, nokuti ndiye waiʋa mutauri mukuru. Ipapo muprista waJupiteri waiʋa netembere yake pamberi peguta, akaʋuya pamasuʋo nenzombe namaruʋa okushoŋga, aciɗa kuʋaɓayira, anaʋanhu ʋazhinji naye. Ɀino ʋaapostora, Barnabasi naPauro, ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakabvarura ŋguʋo dzaʋo, ʋakamhanyira pakati paʋanhu ʋazhinji, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Ʋarume, munoitireiko iɀoɀi? Nesu tiri ʋanhu semi ʋo; tinokuparidzirai mashoko akanaka, kuti mubve panaiɀoɀo ɀisinamaturo, mutendeʋukire kunaMŋari mupenyu wakaita ɗeŋga napasi, neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo. Iye, paŋguʋa dzakapfuʋura wakatendera ʋahedeni ʋose kufamba nenzira dzaʋo. Asi haana‐kurega kuɀipupurira, aciita ɀakanaka, acikupai mvura yokuɗeŋga, neŋguʋa dzeɀiyo ɀizhinji, acizadza mŋoyo yenyu neɀokudya nomufaro. Nokutaura kwaʋo saiɀoɀo, ʋakatambura kwaɀo kudziʋisa ʋanhu kuti ʋarege kuʋaɓayira.
Ipapo ʋaJuda ʋakabva Antiokia neIkonio, ʋakaȿika, ʋakamutsa mŋoyo yaʋanhu ʋazhinji, ʋakataka Pauro namabge, ʋakamukweʋera kunze kweguta ʋaciti wafa. Asi ʋadzidzi ʋakati ʋamukomba, iye akasimuka, akapinda muguta. Fume maŋgwana akaenda Derbe naBarnabasi.