Ɀino Davidi wakaʋuŋganidza ɀe ʋarume ʋose ʋakaŋga ʋakatsaurwa ʋaʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋaneɀuru ɀinamakumi matatu. Davidi akasimuka, akaenda naʋanhu ʋose ʋaakaŋga anaʋo, ʋacibva Baari‐juda, kuti ʋatore’po areka yaMŋari, panoɗanwa Zita, iro Zita raJehova wehondo, ugere pamsoro pamakerubi. Ʋakaisa areka yaMŋari pamsoro peŋgoro itȿa, ʋakaibvisa paimba yaAbinadabi, yakaŋga iri pacikomo, Uza naAhiyo, ʋanakomana ʋaAbinadabi, ʋakafambisa ŋgoro itȿa. Ʋakaibvisa paimba yaAbinadabi, yakaŋga iri pacikomo, ineareka yaMŋari; Ahiyo akatuŋgamirira areka. Davidi neimba yose yaIsraeri ʋakaridza pamberi paJehova ɀinoridzwa ɀamarudzi ose, ɀomusipresi, nembira, nemiteŋgeranwa, neŋgoma, namatare, anoridzwa, namakandira. Ɀino ʋakati ʋaciȿika paɓuriro raNakoni, Uza ndokutambanudzira ruʋoko rwake kuareka yaMŋari, akaiɓata, nokuti nzombe dzakaŋga dzogumburwa. Kutsamŋa kwaJehova kukamukira Uza, Mŋari akamuʋuraya ipapo nemhaka yokutadza kwake, iye akafira’po paareka yaMŋari. Davidi akaʋora mŋoyo nokuti Jehova wakaŋga aroʋa Uza, akatumidza nɀimbo iyo Perezi‐uza kuȿikira zuʋa ranhasi. Davidi akatya Jehova zuʋa iro, akati: Ɀino areka yaJehova icaȿika seiko kwandiri? Naiɀoɀo Davidi akaramba kuisa areka yaJehova kwaari muguta raDavidi; asi Davidi wakaitsausira kumba kwaObedi‐edomi muGiti. Areka yaJehova ikagara mumba maObedi‐edomi muGiti mŋedzi mitatu; Jehova akaropafadza Obedi‐edomi neimba yake yose. Ɀino ʋakaʋudza mambo Davidi, ʋaciti: Jehova wakaropafadza imba yaObedi‐edomi neɀose ɀake nokuɗa kweareka yaMŋari. Ipapo Davidi akaenda akatora areka yaMŋari kumba kwaObedi‐edomi, akakwira nayo kuguta raDavidi nomufaro. Ɀino ŋguʋa dzose kana iʋo, ʋakaŋga ʋakatakura areka ʋaciŋge ʋafamba nhambge nhanhatu, akaɓaya ŋombe nemhuru yakakora. Davidi akatamba pamberi paJehova nesimba rake rose; Davidi akaŋga akafuka efodi yomuceka. Naiɀoɀo Davidi neimba yose yaIsraeri ʋakakwira neareka yaJehova ʋacipururudza nokuridza hwamanda.