Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Samueri 22

22
Rwiyo rwaDavidi.
1Ɀino Davidi wakataura kunaJehova mashoko orwiyo urwu neŋguʋa yaakarwirwa naJehova pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋake ʋose, napamaʋoko aSauro; 2akati:
Jehova iɗombo raŋgu, nenhare yaŋgu, nomurwiri waŋgu, iye ndowaŋgu.
3Mŋari iɗombo raŋgu, ndicaʋimba naye;
Nhoʋo yaŋgu, norunyaŋga rwokuponeswa kwaŋgu, shoŋgwe yaŋgu yakakwirira, noʋutiziro bgaŋgu.
Muponesi waŋgu, munondiponesa pakumanikidzwa.
4Ndicaɗana kunaJehova, iye unofanirwa nokurumbidzwa;
Naiɀoɀo ndicaponeswa kunaʋaʋeŋgi ʋaŋgu.
5Nokuti mafuŋgu orufu akandikomba,
Ʋuye nzizi dzeɀakaipa dzakandivundusa.
6Maɓote aSheori akandisuŋga,
Misuŋgo yorufu yakandiwira.
7Pakutambudzika kwaŋgu ndakaɗana kunaJehova,
Ndakaɗana kunaMŋari waŋgu,
Akanzwa inzwi raŋgu ari mutembere yake;
Kucema kwaŋgu kukaȿika munzeʋe dzake.
8Ipapo nyika yakazunuŋguka, ikaɗeɗera;
Nheyo dzokuɗeŋga dzakaɗeŋgenyeka,
Dzikazunuŋguswa, nokuti iye wakaŋga atsamŋa.
9Ʋutsi bgakakwira bgucibva mumhino dzake,
Ʋuye mŋoto wakaɓuɗa mumuromo make, wakaparadza;
Mazimbe akaɓatidzwa nawo.
10Wakakotamisa ʋo kuɗeŋga‐ɗeŋga,
akaɓuruka;
Nerima guru rakaŋga riri pasi petsoka dzake.
11Wakataȿa kerubi, akabururuka;
Ɀirokwaɀo, wakaʋonekwa ari pamapapiro emhepo.
12Wakaɀipoteredza nerima setente,
Mvura yakaʋuŋganidzwa, nemvumi dzehore dzeɗeŋga.
13Nokupenya, kwakaŋga kuri pamberi pake,
Mazimbe omŋoto akaɓatidzwa.
14Jehova wakatinhira kuɗeŋga,
Wokumsoro‐soro wakataura nenzwi rake.
15Wakatuma miseʋe, akaʋaparadza;
Akatuma mheni, akaʋavundusa.
16Ipapo pasi peguŋgwa pakaʋonekwa,
Ʋuye nheyo dzenyika dzakaratidzwa pacena,
Nokutuka kwaJehova,
Nokufema kwomŋeya wemhino dzake.
17Wakatambanudza ruʋoko rwake ari kumsoro, akanditora,
Akandinyukura pamvura zhinji;
18Akandirwira pamuʋeŋgi waŋgu unesimba,
Nokunaʋanondiʋeŋga; nokuti ʋakaŋga ʋondikurira.
19Ʋakandiʋiŋga nezuʋa renjodzi yaŋgu,
Asi Jehova wakaŋga ari mutsigiro waŋgu.
20Akandiɓuɗisira kunɀimbo yakafarikana,
Akandirwira, nokuti wakaŋga acindifarira.
21Jehova wakandiitira ɀakaenzana nokururama kwaŋgu,
Akandipa muɓairo wakaenzana nokucena kwamaʋoko aŋgu.
22Nokuti ndakaceŋgeta nzira dzaJehova,
Handina‐kubva kunaMŋari waŋgu nokunyeŋgera.
23Nokuti ɀose ɀaakatoŋga ɀakaŋga ɀiri pamberi paŋgu;
Kana ɀiri ɀaakatema, handina‐kutsauka kwaɀiri.
24Ndakaŋga ndakarurama kwaɀo pamberi pake,
Ndakaɀiceŋgeta paɀakaipa ɀaŋgu.
25Naiɀoɀo Jehova wakandiitira ɀakaenzana nokururama kwaŋgu,
Ɀakaenzana nokucena kwaŋgu pamberi pake.
26Uneŋgoni, munomuitira ʋo ŋgoni;
Munhu, wakarurama kwaɀo, munomuitira ʋo ɀakarurama;
27Wakanaka, munomuitira ʋo ɀakanaka;
Wakatsauka, munomuitira ʋo hasha.
28Mucaponesa ʋanhu ʋanotambudzika,
Asi meso enyu anoʋona ʋanoɀikudza, kuti muʋaɗeredze.
29Nokuti muri mŋenje waŋgu, Jehova;
Jehova ucavenekera rima raŋgu.
30Nokuti nemi ndicaʋamba hondo,
Kana ndinaMŋari waŋgu ndicaɗarika ruȿiŋgo.
31Kana ari Mŋari, nzira yake yakarurama kwaɀo;
Shoko raJehova rakaidzwa;
Ndiye nhoʋo yaʋose ʋanotenda kwaari.
32Nokuti ndianiko Mŋari, asi iye Jehova?
Ndianiko ɗombo, asi iye Mŋari weɗu?
33Mŋari ndiye nhare yaŋgu inesimba;
Iye unondifambisa nenzira yakarurama.
34Unoita tsoka dzaŋgu setsoka dzenondokadzi,
Unondiisa pakakwirira.
35Unodzidzisa maʋoko aŋgu kurwa;
Naiɀoɀo maʋoko aŋgu anowembura ʋuta bgendarira.
36Makandipa ʋo nhoʋo yokuponesa kwenyu,
Ʋunyoro bgenyu bgakandikurisa.
37Makandiitira nɀimbo yakafarikana pasi paŋgu pandiŋgatsika;
Tsoka dzaŋgu hadzina‐kutedzemuka.
38Ndakateʋerera ʋaʋeŋgi ʋaŋgu,
ndikaʋaparadza;
Handina‐kudzoka ɀe kuȿikira ʋapedzwa.
39Ndakaʋapedza, ndakaʋaɓaya, haʋagoni kumuka;
Ʋakawira pasi petsoka dzaŋgu.
40Nokuti makandisuŋga ciʋuno nesimba rokurwa naro;
Makandikundisa ʋaindimukira.
41Makatizisa ʋaʋeŋgi ʋaŋgu,
Kuti ndiparadze ʋanondiʋeŋga.
42Ʋakatarira, asi kwakaŋga kusinomuponesi,
KunaJehova, asi haana‐kuʋapindura.
43Ipapo ndakaʋapxanya‐pxanya seguruʋa renyika;
Ndikaʋaswa samatope enzira dzomumusha, ndikaʋaparadzira kure.
44Makandirwira ʋo pakukakaʋadzana kwaʋanhu ʋaŋgu,
Makandiceŋgeta kuti ndiʋe mukuru wendudzi;
Ʋanhu ʋandakaŋga ndisiŋgaziʋi,
ʋacandishumira.
45Ʋatorwa ʋacanamata kwandiri;
Ʋacaterera pakarepo kana ʋacindinzwa.
46Ʋatorwa ʋacatorerwa simba,
Ʋacaɓuɗa paʋaiʋanda ʋaciɗeɗera.
47Jehova mupenyu; ɗombo raŋgu ŋgarikudzwe;
Mŋari, ɗombo rokuponeswa kwaŋgu, ŋgaarumbidzwe.
48Ndiye Mŋari unonditsiʋira,
Unondikundisa ʋanhu.
49Unondibvisa kuʋaʋeŋgi ʋaŋgu;
Ɀirokwaɀo, munondisimudzira kumsoro kwaʋanondimukira;
Munondirwira pamunhu unondimanikidza.
50Naiɀoɀo ndicakuʋoŋgai Jehova,
pakati pendudzi,
Ndicakudza zita renyu nenziyo;
51Unopa mambo wake kuponeswa kukuru,
Unoitira muzodzwa wake ʋunyoro,
KunaDavidi naʋana ʋake nokusiŋgaperi.

Zvasarudzwa nguva ino

II Samueri 22: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda