Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Samueri 18:9-10

II Samueri 18:9-10 SUB1949

Ɀino Absaromi akasoŋgana naʋaranda ʋaDavidi. Absaromi wakaŋga akataȿa hesera rake, hesera rikapinda napasi pamataʋi makobvu omuouki mukuru, musoro wake ukaɓatwa pamuouki, iye ndokurembera pakati peɗeŋga napasi; hesera raakaŋga akataȿa rikaramba ricifamba. Ɀino mumŋe murume akaɀiʋona, akandoʋudza Joabi, akati: Tarira, ndaʋona Absaromi akarembera mumuouki.