Ɀino muKushi akaȿika. MuKushi akati: Ndineshoko kunashe waŋgu mambo; nokuti Jehova wakakutsiʋai nhasi kunaʋose ʋakaŋga ʋakumukirai. Mambo akati kumuKushi: Ko jaya, iye Absaromi, wakafara here? MuKushi akapindura, akati: Ʋaʋeŋgi ʋashe waŋgu mambo, naʋose ʋanokumukirai, ŋgaʋaʋe sejaya iro. Mambo akavunduka kwaɀo, akakwira kukamuri yakaŋga iri pamsoro pesuʋo, akacema; akaramba acifamba, aciti: Haiwa, mŋana waŋgu Absaromi, mŋana waŋgu, mŋana waŋgu Absaromi! Ndiŋgaɗai ndakafa haŋgu panɀimbo yako, haiwa Absaromi, mŋana waŋgu, mŋana waŋgu!
Verenga chikamu II Samueri 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: II Samueri 18:31-33
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo