Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Samueri 18:31-33

II Samueri 18:31-33 SUB1949

Ɀino muKushi akaȿika. MuKushi akati: Ndineshoko kunashe waŋgu mambo; nokuti Jehova wakakutsiʋai nhasi kunaʋose ʋakaŋga ʋakumukirai. Mambo akati kumuKushi: Ko jaya, iye Absaromi, wakafara here? MuKushi akapindura, akati: Ʋaʋeŋgi ʋashe waŋgu mambo, naʋose ʋanokumukirai, ŋgaʋaʋe sejaya iro. Mambo akavunduka kwaɀo, akakwira kukamuri yakaŋga iri pamsoro pesuʋo, akacema; akaramba acifamba, aciti: Haiwa, mŋana waŋgu Absaromi, mŋana waŋgu, mŋana waŋgu Absaromi! Ndiŋgaɗai ndakafa haŋgu panɀimbo yako, haiwa Absaromi, mŋana waŋgu, mŋana waŋgu!