Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Samueri 1

1
Davidi unocema Sauro naJonatani.
1Ɀino Sauro wakati afa, Davidi akadzoka pakuʋuraya ʋaAmareki, Davidi akagara mazuʋa maʋiri paZikragi; 2ɀino nezuʋa retatu mumŋe munhu wakaȿika acibva kumisasa kunaSauro, ŋguʋo dzake dzakabvaruka, ʋuye anevu pamusoro wake; akati aciȿika kunaDavidi, akaɀiwisira pasi, akanamata kwaari. 3Davidi akati kwaari: Wabvepiko? Akati kwaari: Ndapukunyuka ndicibva kumisasa yaIsraeri. 4Davidi akati kwaari: Kwakaitweiko? Ndiʋudze hako. Akapindura, akati: Ʋanhu ʋatiza pakurwa, ʋanhu ʋazhinji ʋawira pasi ʋafa, ʋuye Sauro nomŋanakomana wake Jonatani ʋafa ʋo. 5Ipapo Davidi akati kujaya rakamuʋudza iɀoɀo: Unoziʋa sei kuti Sauro naJonatani mŋanakomana wake ʋafa ʋo. 6Jaya rikamuʋudza, rikati: Ndakaŋga ndicifamba haŋgu pagomo reGirboa, ndikaʋona Sauro acisendamira papfumo rake, ndikaʋona ʋo ŋgoro naʋataȿi ʋacimuteʋerera kwaɀo. 7Ɀino iye wakati aciceuka, akandiʋona, akandiɗana. Ndikapindura, ndikati: Ndiri pano haŋgu. 8Akati kwandiri: Ndiwe aniko? Ndikamupindura, ndikati: Ndiri muAmareki. 9Akati kwandiri: Mira ʋuno kwandiri, undiʋuraye, nokuti ndaɓatwa nedzuŋgu kwaɀo, nokuti ʋupenyu bgaŋgu bguciri mandiri cose. 10Naiɀoɀo ndikamira kwaari, ndikamuʋuraya, nokuti ndakaŋga ndiciziʋa kwaɀo kuti haaŋgararami, kana aciŋge awira pasi; ndikatora korona yakaŋga iri pamusoro wake, norundarira rwaiʋa paruʋoko rwake, ndikaʋuya naɀo pano kunashe waŋgu. 11Ipapo Davidi akaɓata ŋguʋo dzake, akadzibvarura, naʋarume ʋose ʋaiʋa naye ʋakaita ʋo saiɀoɀo. 12Ʋakacema, nokuwuŋgudza, nokuɀinyima ɀokudya kuȿikira maɗeko pamsoro paSauro naJonatani mŋanakomana wake, napamsoro paʋanhu ʋaJehova, napamsoro peimba yaIsraeri, nokuti ʋakaŋga ʋaʋurawa nomunondo. 13Davidi akati kujaya rakaŋga ramuʋudza iɀoɀo: Uri wepiko? Iye akapindura, akati: Ndiri mŋanakomana womutorwa, muAmareki. 14Davidi akati kwaari: Hauna‐kutya neiko kutambanudza ruʋoko rwako kuti uparadze muzodzwa waJehova? 15Ipapo Davidi akaɗana rimŋe jaya, akati: Sweɗera, umuʋuraye. Iye akamuɓaya, akafa. 16Davidi akati kwaari: Ropa rako ŋgariʋe pamusoro wako, nokuti muromo wako wakupupurira, ɀawakati: Ndakaʋuraya muzodzwa waJehova.
17Davidi akacema Sauro naJonatani mŋanakomana wake nokucema uku: 18Akaʋaraira kuti ʋadzidzise ʋana ʋaJuda rwiyo urwu rwoʋuta; tarirai, rwakanyorwa mubuku yaJashari.
19Haiwa Israeri! kubginya kwako kwaʋurawa pamatunhu ako akakwirira!
Haiwa! ʋanesimba ʋakawira pasi sei!
20Musaɀireʋa paGati,
Musaɀiparidza panzira dzeAshkeroni;
Kuti ʋakunda ʋaʋaFiristia ʋarege kufara,
Kuti ʋakunda ʋaʋasina‐kudziŋgiswa ʋarege kupembera.
21Imi makomo eGirboa,
Ŋgakurege kuʋa neɗoʋa kana mvura pamsoro penyu, kana minda yeɀipo;
Nokuti ndipo pakaŋgorashwa nhoʋo dzemhare,
Nhoʋo yaSauro, seisina‐kuzodzwa mafuta.
22Ʋuta bgaJonatani habguna‐kudzoka
Bgusineropa raʋakaʋurawa, namafuta aʋanesimba.
Nomunondo waSauro hauna‐kudzoka usina.
23Sauro naJonatani ʋakaŋga ʋakaɗikanwa, ʋakanaka, paʋupenyu bgaʋo;
Napakufa kwaʋo haʋana‐kuparadzaniswa;
Ʋaikurumidza kupfuʋura makondo,
Ʋaiʋa nesimba kupfuʋura shumba.
24Imi ʋakunda ʋaIsraeri, cemai Sauro,
Iye waikufukidzai nomuceka mutȿuku neɀakanaka,
Waiisa ɀishoŋgo ɀendarama paɀisimiro ɀenyu.
25Haiwa! ʋanesimba ʋakawira pasi sei pakurwa!
Jonatani wakaʋurawa pamatunhu akakwirira.
26Ndinotambudzika kwaɀo pamsoro pako, munuŋuna waŋgu Jonatani;
Wakaŋga ucindifadza kwaɀo;
Ruɗo rwako kwandiri rwaishamisa,
Rwaipfuʋura ruɗo rwaʋakadzi.
27Haiwa! ʋanesimba ʋakawira pasi sei!
Nhumbi dzokurwa nadzo dzakaparadzwa sei!

Zvasarudzwa nguva ino

II Samueri 1: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda