Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Samueri 9

9
Sauro unozodzwa naSamueri.
1Ɀino kwakaŋga kunomurume waBenjamini, wainzi Kishi, mŋanakomana waAbieri, mŋanakomana waZerori, mŋanakomana waBekorati, mŋanakomana waAfia, mŋanakomana womuBenjamini, munhu waiʋa nesimba noʋumhare. 2Uyu munhu wakaŋga anomŋanakomana wainzi Sauro, jaya rakanaka; kwakaŋga kusinomumŋe munhu pakati paʋana ʋaIsraeri wakaŋga akamukunda pakunaka; kubva pamafudzi ake kuȿika kumusoro wake wakaŋga akapfuʋura ʋanhu ʋose pakureɓa. 3Ɀino mboŋgoro dzaKishi, ɓaɓa ʋaSauro, dzakaŋga dzarashika. Ipapo Kishi akati kunaSauro, mŋanakomana wake: Enda nomumŋe waʋaranda, mundotȿaka mboŋgoro. 4Iye akapfuʋura nokunyika yamakomo yaEfraimi, akapfuʋura ʋo nokunyika yeSharisha, asi haʋana‐kudziwana; ɀino ʋakapfuʋura ɀe nokunyika yeSharimi, asi naipapo dzakaŋga dzisi’po; ipapo akapfuʋura nokunyika yaʋaBenjamini, asi haʋana‐kudziwana. 5Ɀino ʋakati ʋaciȿika kunyika yeZufi, Sauro akati kumuranda wake, wakaŋga anaye: Ŋgatidzoke heɗu; ɓaɓa ʋaŋgu ɀimŋe ʋaŋgarega kufuŋga mboŋgoro, ʋakafuŋganya pamsoro peɗu. 6Iye akati kwaari: Tarirai, muguta rino munomunhu waMŋari, munhu unokudzwa kwaɀo; ɀose ɀaanotaura ɀinoitika; hendei ɀino ikoko, ɀimŋe uŋgatiʋudza nzira yatiŋgafamba nayo. 7Ɀino Sauro akati kumuranda wake: Asi tarira, kana tikaenda, ticandoʋigirei munhu uyo? Nokuti ɀiŋgwa ɀakaŋga ɀiri mumidziyo yeɗu ɀapera; hapanacipo catiŋgaʋigira munhu waMŋari; tineiko? 8Ipapo muranda akapindura ɀe, akati kunaSauro: Tarirai, ndinececinna ceshekeri#9:8 Shekeri rimŋe mashereni aneŋge maʋiri nesisipenzi. resirveri muruʋoko rwaŋgu; ndicacipa munhu waMŋari, atiʋudze nzira yeɗu. 9(Kare pakati paʋaIsraeri kana munhu ondobvunza Mŋari, waiti: Hendei kumuʋoni; nokuti unonzi Muprofita ɀino wainzi Muʋoni kare.) 10Ipapo Sauro akati kumuranda wake: Ishoko rakanaka, hendei. Naiɀoɀo ʋakaenda kuguta kwakaŋga kunomunhu waMŋari. 11Ɀino ʋakati ʋacikwira kuguta, ʋakasoŋgana naʋasikana ʋakaŋga ʋaɓuɗa kundoteka mvura, ʋakati kwaʋari: Muʋoni uri pano here? 12Ʋakapindura, ʋakati: Uri’po; tarirai, hoyo pamberi penyu; kurumidzai henyu ɀino, nokuti waȿika muguta nhasi; nokuti ʋanhu ʋanoɓayira nhasi paɗunhu rakakwirira. 13Kana maŋgoti mapinda muguta, mucamuwana pakarepo acigere kukwira kuɗunhu rakakwirira kundodya’po; nokuti ʋanhu haʋaŋgadyi, iye asati aȿika, nokuti ndiye unoropafadza ciɓayiro; pashure iʋo ʋakakokwa ʋacadya. Naiɀoɀo cikwirai ɀino, nokuti mucamuwana neŋguʋa ino. 14Ipapo ʋakakwira kuguta. Ʋakati ʋoȿika muguta, ʋakaʋona Samueri oɓuɗa, akasoŋgana naʋo okwira kuɗunhu rakakwirira.
15Ɀino Jehova wakaŋga aziʋisa Samueri zuʋa rakataŋgira kuȿika kwaSauro, akati: 16Maŋgwana neŋguʋa ino ndicatuma kwauri munhu unobva kunyika yaBenjamini; unofanira kumuzodza, kuti aʋe mutuŋgamiriri waʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, aponese ʋanhu ʋaŋgu mumaʋoko aʋaFiristia; nokuti ndakatarira ʋanhu ʋaŋgu, nokuti kucema kwaʋo kwakaȿika kwandiri. 17Ɀino Samueri wakati aciʋona Sauro, Jehova akati kwaari: Ndiye munhu wandakakuʋudza ndiciti, ndiye ucaɓata ʋanhu ʋaŋgu. 18Ipapo Sauro akasweɗera kunaSamueri pasuʋo, akati: Ndiʋudzei ʋo kuti imba yoMuʋoni iripi? 19Samueri akapindura Sauro, akati: Ndini Muʋoni; ndituŋgamirirei mukwire kuɗunhu rakakwirira, nokuti munofanira kudya neni nhasi; maŋgwana ndicakutendera kuenda, ndigokuʋudza ʋo ɀose ɀiri pamŋoyo wako. 20Asi kana dziri mboŋgoro dzako dzakaŋga dzarashika mazuʋa matatu, usadzifuŋga hako, nokuti dzatowanikwa hadzo. Asi ɀose ɀinoɗikanwa naIsraeri haɀizi kwauri here? Haɀizi kwauri nokunaʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋako here? 21Sauro akapindura, akati: Ko handizi muBenjamini, worudzi ruɗuku kumarudzi ose aIsraeri here? Ʋuye mhuri yaŋgu haizi ɗuku kumhuri dzose dzorudzi rwaBenjamini here? Munotaurireiko kuɗaro kwandiri? 22Samueri akatora Sauro nomuranda wake, akapinda naʋo mumba mokudyira, akaʋagarisa paʋakakudzwa kupfuʋura ʋamŋe ʋakakokwa, ʋaiʋa ʋanhu ʋaneŋge makumi matatu. 23Ɀino Sauro akati kumuɓiki: Ʋuya nomugoʋe wandakakupa ndiciti: Ciuceŋgeta uri woga. 24Muɓiki akatora cidɀa neɀose ɀakaŋga ɀiri paciri, akaɀigadza pamberi paSauro. Samueri akati: Tarira, ndico cakaŋga cakaceŋgetwa; uɀigadze pamberi pako, udye, nokuti ɀakakuceŋgeterwa iwe kuȿikira ŋguʋa yakafanira, nokuti ndakati: Ndakokera ʋanhu. Naiɀoɀo Sauro akadya naSamueri musi iwoyo. 25Ɀino ʋakati ʋaɓuruka paɗunhu rakakwirira, ʋakapinda muguta, akataurirana naSauro paɗeŋga reimba. 26Ʋakamuka maŋgwanani, mambakwedza, Samueri akaɗana Sauro paɗeŋga reimba, akati: Muka, ndikuendise. Ipapo Sauro akamuka, ʋakaɓuɗa iye naSamueri ʋari ʋaʋiri. 27Ɀino ʋakati ʋoɓuruka pamugumo weguta, Samueri akati kunaSauro: Raira muranda atuŋgamire mberi kweɗu (iye akatuŋgamira hake); asi iwe cimbomira hako, ndikuziʋise shoko raMŋari.

Zvasarudzwa nguva ino

I Samueri 9: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda