I Samueri 1
1
Kuɀarwa kwaSamueri.
1Ɀino kwakaŋga kunomumŋe murume weRamataimi‐zofimi, wenyika yamakomo yaEfraimi, wainzi Erikana, mŋanakomana waJehorami, mŋanakomana waErihu, mŋanakomana waTohu, mŋanakomana waZufi, muEfrata. 2Iye wakaŋga anaʋakadzi ʋaʋiri, zita romumŋe rainzi Hana, ʋuye zita romumŋe rainzi Penina; Penina wakaŋga anaʋana, asi Hana wakaŋga asinaʋana. 3Ɀino murume uyu waisikwira gore rimŋe nerimŋe acibva kuguta rake kundonamata nokuɓayira Jehova wehondo paShiro. Ʋanakomana ʋaʋiri ʋaEri, Hofni naPinehasi, ʋakaŋga ʋari’po ʋari ʋaprista ʋaJehova. 4Ɀino zuʋa rokuɓayira kwake rakati riciȿika, Erikana akapa mukadzi wake Penina, naʋanakomana ʋake ʋose naʋanasikana ʋake migoʋe yaʋo; 5asi Hana wakamupa migoʋe miʋiri; nokuti wakaŋga aciɗa Hana, asi Jehova wakaŋga azarira ciɀaro cake. 6Ɀino muʋeŋgi wake akamunetsa kwaɀo, kuti aɀidye mŋoyo, nokuti Jehova wakazarira ciɀaro cake. 7Akaita saiɀoɀo gore rimŋe nerimŋe, kana acikwira kuimba yaJehova; akamunetsa saiɀoɀo, saka wakacema, akaramba kudya. 8Ɀino murume wake Erikana akati kwaari: Hana, unocemeiko? Unorambireiko kudya? Mŋoyo wako uneshuŋgu nei? Ko ini handikupfuʋuriri ʋanakomana ʋanegumi here? 9Saka Hana wakasimuka, ʋapedza kudya paShiro, ʋuye ʋapedza kunwa. Ɀino Eri muprista wakaŋga agere pacigaro cake pamukoʋa wetembere yaJehova. 10Ɀino Hana wakaŋga aneshuŋgu kwaɀo, akanyeŋgetera kunaJehova, akacema kwaɀo. 11Akapika mhiko, akati: Jehova wehondo, kana mukaʋa nehanya kwaɀo nokutambudzika kwomurandakadzi wenyu, mukandiraŋgarira, mukasakaŋganwa murandakadzi wenyu, asi mukapa murandakadzi wenyu mŋana womukomana, ipapo ndicamupa Jehova mazuʋa ose oʋupenyu bgake, musoro wake hauŋgaʋeʋurwi neciȿo. 12Ɀino wakati aciramba acinyeŋgetera pamberi paJehova, Eri akacerekedza muromo wake. 13Nokuti Hana wakaŋga acitaura necomumŋoyo make, miromo yake yoga yakaŋga icimeŋenyedzwa, asi inzwi rake rakaŋga risiŋganzwiki; saka Eri wakati waɓatwa newaini. 14Eri akati kwaari: Ucaramba wakaɓatwa kuȿikira riniko? Rasha waini yako. 15Hana akapindura akati: Kwete, ishe waŋgu, ndiri mukadzi uneshuŋgu pamŋeya, handinakunwa waini, kana ɀinoɓata, asi ndaɗurura mŋeya waŋgu pamberi paJehova. 16Musati murandakadzi wenyu mŋanasikana wakaiȿo‐ipa, nokuti kuȿikira ɀino ndakaŋga ndicitaura nokuɗa kwokucema kwaŋgu kukuru nokutambudzika kwaŋgu. 17Ipapo Eri akamupindura, akati: Enda hako norugare; Mŋari waIsraeri ŋgaakupe cawakakumbira kwaari. 18Iye akati: Murandakadzi wenyu ŋgaanzwirwe tsitsi nemi. Naiɀoɀo mukadzi akaenda hake, akazodya, ciso cake cikashanduka. 19Ɀino ʋakamuka maŋgwanani, ʋakanamata kunaJehova, ʋakadzokera ndokuȿika kumba kwaʋo paRama; Erikana akaziʋa mukadzi wake Hana, Jehova akamuraŋgarira. 20Ŋguʋa yakati yapfuʋura, Hana akaʋa nemimba, akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samueri, aciti: Nokuti ndakamukumbira kunaJehova. 21Ɀino murume Erikana naʋose ʋeimba yake ʋakakwira kunaJehova kundoɓayira ciɓayiro cegore rimŋe nerimŋe, nokumupa seɀaakapika. 22Asi Hana haana‐kukwira, nokuti wakati kumurume wake: Handiŋgakwiri kuȿikira mŋana arumurwa, ipapo ndicaenda naye, kuti aȿike pamberi paJehova, agare’po nokusiŋgaperi. 23Erikana murume wake akati kwaari: Ita seɀaunofuŋga; cimbogara hako kuȿikira wamurumura; asi Jehova ŋgaasimbise shoko rake. Naiɀoɀo mukadzi akambogara hake, akamŋisa mŋanakomana wake, kuȿikira amurumura. 24Wakati amurumura, akakwira naye anenzombe nhatu, neefa#1:24 Efa imŋe aneŋge magaroni mapfumbamŋe. imŋe yoʋupfu, neɗende rewaini, akandomuisa mumba maJehova paShiro. Asi mŋana wakaŋga aciri muɗuku. 25Ɀino ʋakaɓaya nzombe, ʋakaisa mŋana kunaEri. 26Hana akati: Ishe waŋgu, nomŋeya wenyu mupenyu, ishe waŋgu, ndini mukadzi wakaɗeya kumira pano pamberi penyu, ndicinyeŋgetera kunaJehova. 27Ndakakumbira mŋana uyu, Jehova akandipa candakakumbira kwaari; 28saka neni ʋo ndamupa Jehova; mazuʋa ose okurarama kwake wakapiwa Jehova. Akanamata kunaJehova ipapo.
Zvasarudzwa nguva ino
I Samueri 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018