Ɀino Soromoni wakaʋuŋganidza ʋakuru ʋaIsraeri, naʋakuru ʋose ʋamarudzi, iwo macinda edzimba dzamadziɓaɓa aʋana ʋaIsraeri, kunamambo Soromoni paJerusarema, akakwidza areka yesuŋgano yaJehova, ibve paguta raDavidi, iro Zioni. Ʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana kunamambo Soromoni pamutambo pamŋedzi weEtanimi, ndiwo mŋedzi wecinomŋe. Ipapo ʋakuru ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuya, ʋaprista ʋakasimudza areka. Ʋakakwira neareka yaJehova netente rokusoŋgana, nemidziyo mitȿene yose yaiʋa muTente, ʋaprista naʋaRevi ʋakakwira nayo. Mambo Soromoni, neʋuŋgano yose yaʋaIsraeri yakaŋga yaʋuŋganira kwaari, ʋakafamba naye pamberi peareka, ʋakaɓayira makwai nenzombe, ɀakaŋga ɀisiŋgagoni kurabga kana kuʋereŋgwa nokuwanda kwaɀo. Ipapo ʋaprista ʋakagadzika areka yesuŋgano yaJehova panɀimbo yayo, panɀimbo tȿene yeimba, panɀimbo tȿene‐tȿene, ipo panyasi pamapapiro amakerubi. Nokuti makerubi akatambanudza mapapiro awo pamsoro penɀimbo yeareka, makerubi akafukidza areka namatanda ayo necokumsoro. Matanda akaŋga akareɓa; naiɀoɀo miromo yamatanda yakaŋga iciʋonekwa kana munhu ari panɀimbo tȿene pamberi penɀimbo paŋgataura Jehova; asi akaŋga asiŋgaʋonekwi necokunze; aciri’po kuȿikira nhasi. Mukati meareka makaŋga musisinecinhu, asi mahwendefa maʋiri amabge, akaŋga aiswa’mo naMosesi paHorebi, ŋguʋa Jehova yaakaita suŋgano nayo naʋana ʋaIsraeri pakuɓuɗa kwaʋo panyika yeEgipita. Ɀino ʋaprista ʋakati ʋaɓuɗa panɀimbo tȿene, gore rikazadza imba yaJehova, naiɀoɀo ʋaprista ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kumira paɓasa nokuɗa kwegore; nokuti kubginya kwaJehova kwakazadza imba yaJehova.
Verenga chikamu I Madzimambo 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: I Madzimambo 8:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo