Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Madzimambo 3:5-15

I Madzimambo 3:5-15 SUB1949

Jehova akaɀiratidza kunaSoromoni paGibeoni nokurota ʋusiku. Mŋari akati: Kumbira caunoɗa kuti ndikupe. Soromoni akati: Makaitira muranda wenyu Davidi, ɓaɓa ʋaŋgu, ʋunyoro bgukuru, ɀaakafamba pamberi penyu neɀokwaɗi, nokururama, nomŋoyo wakanaka kwamuri; mukamuceŋgetera ʋo ʋunyoro ubgu bgukuru, ɀamakamupa mŋanakomana kugara pacigaro cake coʋushe, seɀaɀakaita nhasi. Ɀino, Jehova Mŋari waŋgu, makaita muranda wenyu mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋaŋgu Davidi, asi ndiri mŋanana haŋgu, handiziʋi mutoʋo wokuɓuɗa nawo kana kupinda nawo. Muranda wenyu uri pakati paʋanhu ʋenyu ʋamakatsaura, ʋanhu ʋazhinji kwaɀo, ʋasiŋgagoni kurabga kana kuʋereŋgwa nokuwanda kwaʋo. Naiɀoɀo ipai muranda wenyu mŋoyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzaʋanhu ʋenyu, ndiziʋe kutsaura pakati peɀakanaka neɀakaipa; nokuti ndianiko unogona kutamba mhaka dzaʋanhu ʋenyu aʋa ʋakawanda? Ɀino kutaura uku kwakafadza Ishe, kuti Soromoni wakakumbira cinhu ici. Ipapo Mŋari akati kwaari: Ɀawakumbira cinhu ici, ukasaɀikumbirira ʋupenyu bgamazuʋa mazhinji, kana kuɀikumbirira fuma, kana kukumbira kuti ʋaʋeŋgi ʋako ʋafe; asi wakaɀikumbirira kuŋgwara, kuti unzwisise kutamba mhaka; tarira, ndaita seɀawataura; tarira, ndakupa mŋoyo wakaŋgwara, unonzwisisa; naiɀoɀo hakuna‐kumboʋa nomumŋe wakafanana newe, kana shure kwako hakuŋgazoʋi nomunhu uŋgafanana newe. Ndakupa ʋo ɀausina‐kukumbira, fuma nokukudzwa; naiɀoɀo hakuŋgazoʋi mumŋe pakati pamadzimambo uŋgafanana newe pamazuʋa ako ose. Kana ukaɗa kufamba nenzira dzaŋgu, nokuceŋgeta mitemo yaŋgu nemirairo yaŋgu, seɀakafamba ɓaɓa ʋako Davidi, ipapo ndicawanza mazuʋa ako. Ipapo Soromoni akamuka, akaʋona kuti kwakaŋga kuri kurota; akaenda Jerusarema, akamira pamberi peareka yesuŋgano yaJehova, akaɓayira ɀipiriso ɀinopiswa, akaɓayira ʋo ɀipiriso ɀokuyananisa, akaitira ʋaranda ʋake ʋose mutambo.