Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I ƲaKorinte 15:12-28

I ƲaKorinte 15:12-28 SUB1949

Ɀino kana Kristu aciparidzwa, kuti wakamutswa kuʋakafa, ʋamŋe pakati penyu ʋanoreʋa seiko, kuti hakuna‐kumuka kwaʋakafa? Ɀino, ɗai pasinakumuka kwaʋakafa, naKristu uŋgaɗai asina‐kumutswa ʋo; ʋuye, ɗai Kristu asina‐kumutswa, kuparidza kweɗu kuŋgaɗai kuciʋa pasina, nokutenda kwenyu kuŋgaɗai kuciʋa pasina ʋo. Nesu taiwanikwa tiri ɀapupu ɀaMŋari ɀenhema; nokuti takapupura kuti Mŋari wakamutsa Kristu, iye waasina‐kumumutsa, kana ɀiri iɀo kuti ʋakafa haʋamutswi. Nokuti kana ʋakafa ʋasiŋgamutswi, naKristu haana‐kumutswa ʋo; kana Kristu asina‐kumutswa, kutenda kwenyu hakunamaturo; muciri muɀiʋi ɀenyu. Ɀino naiʋo ʋakafa munaKristu ʋakarashika ʋo. Kana tinetariro kunaKristu paʋupenyu ubgu ɓedzi, tinonzwisa ʋurombo kukunda ʋanhu ʋose. Asi ɀino Kristu wakamutswa kuʋakafa, akaʋa ciɓereko cokutaŋga caʋaʋata. Nokuti rufu ɀarwakaʋuya nomunhu, kumuka kwaʋakafa kwakaʋuya nomunhu ʋo. Nokuti ʋose seɀaʋanofa munaAdama, saiɀoɀo ʋo ʋose ʋacararamiswa munaKristu. Asi mumŋe nomumŋe padzoro rake: Kristu — ciɓereko cokutaŋga; teʋere, aʋo ʋari ʋaKristu pakuʋuya kwake. Ipapo kuguma kunoȿika, paŋguʋa yaacazopa Mŋari, Ƃaɓa, ʋushe, paŋguʋa yaacaparadza kuɓata kwose, noʋushe bgose, nesimba. Nokuti unofanira kuɓata ʋushe, kuȿikira aisa ʋaʋeŋgi ʋake ʋose pasi petsoka dzake. Muʋeŋgi wokupedzisira, ucaparadzwa, ndirworufu. Nokuti wakaisa ɀinhu ɀose pasi petsoka dzake. Ɀino kana aciti: Ɀose ɀakaiswa pasi pake, ɀinoʋonekwa pacena kuti iye, wakaisa ɀose pasi pake, haaiswi’po. Ɀino kana ɀose ɀaiswa pasi pake, ipapo noMŋanakomana ʋo amene ucaiswa pasi paiye wakaisa ɀose pasi pake, kuti Mŋari aʋe ɀose kunaʋose.