Ɀino, kana ɀiri ɀipo ɀoMŋeya, hama dzaŋgu, handiɗi kuti muʋe ʋasiŋgaziʋi. Munoziʋa kuti paŋguʋa yamaiʋa ʋahedeni, makaŋga mucikweʋerwa kuɀifananidzo, ɀisiŋgagoni kutaura, seɀamaituŋgamirirwa. Saka ndinokuziʋisai kuti hakunomunhu unotaura noMŋeya waMŋari, uŋgati: Jesu ŋgaatukwe! Ʋuye, hakunomunhu uŋgati: Jesu ndiye Ishe, asi noMŋeya Mutȿene. Ɀino marudzi mazhinji eɀipo ari’po, asi Mŋeya ndomumŋe. Marudzi mazhinji okushumira ari’po, ʋuye Ishe mumŋe. Marudzi mazhinji amaɓasa ari’po, asi Mŋari mumŋe, iye unoɓata ɀose munaʋose. Asi mumŋe nomumŋe unopiwa kuratidzwa kwoMŋeya, kuti ʋose ʋaɓatsirwe. Nokuti mumŋe unopiwa noMŋeya shoko roʋucenjeri, mumŋe shoko rokuziʋa noMŋeya iwoyu; mumŋe, kutenda muMŋeya iwoyu; mumŋe, ɀipo ɀokuporesa muMŋeya iwoyu; mumŋe, kuita maɓasa esimba; mumŋe, kuprofita; mumŋe, kuziʋisisa mŋeya; mumŋe, marudzi endimi; mumŋe kuɗudzira ndimi; asi iɀi ɀose ɀinoitwa noMŋeya iwoyu mumŋe cete, unogoʋera mumŋe nomumŋe seɀaanoɗa.
Verenga chikamu I ƲaKorinte 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: I ƲaKorinte 12:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo