1
Mapisarema 1:1-2
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Akaropafadzwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, asingamiri panzira yavatadzi, asingagari pachigaro chavadadi. Asi anofarira murayiro waJehovha, uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 1:3
Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.
3
Mapisarema 1:6
Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama, asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo