1
Kuverengwa 22:28
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Ipapo Tenzi akapa dhongi kuti ritaure richiti, “Ko ndaiteko kuzondirova kudai katatu kose?”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Kuverengwa 22:31
Tenzi akabva apengenutsa meso aBhiriamu akaona mutumwa waMwari amire munzira, akabata mumaoko bakatwa rakavhomorwa. Bhiriamu akakotamisa musoro wake ndokubva azvambarara.
3
Kuverengwa 22:32
Mutumwa waTenzi ndokuti, “Waroverei dhongi rako katatu kose? Chinzwa, ini ndauya kuzokudzivisa nokuti zvauri kufambira zvakaipa.”
4
Kuverengwa 22:30
Dhongi rakapindura Bhiriamu richiti, “Handisiri ini dhongi renyu here ramakatasva upenyu hwenyu hwose kusvikira nhasi? Makambondiona ndichikuitirai zvakadai here?” Akati, “Kwete.”
5
Kuverengwa 22:29
Bhiriamu ndokuti kwariri, “Nokuti uri kutoita zvako zvokutamba neni. Dai ndanga ndiine bakatwa rangu ndingadai ndakuuraya iye zvino uno.”
6
Kuverengwa 22:27
Dhongi parakaona mutumwa waTenzi, rakarara pasi, Bhiriamu akaritasva kudaro. Bhiriamu akaviruka nehasha akarova dhongi netsvimbo yake.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo