Tenzi aita kuti zviitike akaita sezvaakamboreva, nokuti makatadzira Tenzi mukasateerera inzwi rake saka izvi zvakuwirai. Zvino, chinzwa, nhasi uno ndinokusunungura ngetani idzi mumaoko mako. Kana uchiona zvakakunakira kuti tiende tose kuBhabhironi, ngatiende, ndichazokuchengetawo zvakanaka. Asi kana uchiona zvakakuipira kuti tiende tose kuBhabhironi, usauye zvako. Chiona nyika ndiyoyi yose yauri kuona iyi! Enda hako kose kose kwaunofunga kuti ndiko chaiko kwakakunakira.