Munhu anofamba noururami
achitaura zvakarurama,
anosema upfumi hunowanikwa
nokuonesa vanhu ndondo,
anozunza maoko ake
kuti arege kubata pfumbamuromo,
anodzivira nzeve kuti arege kunzwa
zvokudeura ropa,
anozarira maziso ake
kuti arege kutarisa zvinhu zvakaipa.
Iyeyo achagara makakwirira
nyare yake yokuzvidzivirira
ichange iri tsvingo dzamabwe
achiwaniswa chokudya chake,
mvura yake yokunwa isingamboshayika.