Zvanzi naTENZI,
“Chionai, mazuva ari kuuya,
okuti kurima kuchasvika
kukohwa kusati kwapera
uye okusima magirepisi
wokuasvina asati apedza.
Makomo achajuja waini inonaka
nezvikomo zvose zvichayerera waini.
Ndichadzosera vanhu vangu vaIsiraeri
zvose zvavaiva nazvo.
Maguta avo akanga aparadzwa,
vachaavakazve vakatoagara.
Vachasima zvavo minda yamagirepisi,
vachitozonwa, waini yayo.
Vachaitawo mapindu,
vagodya muchero yawo.