1
Zvakaratidzwa 21:4
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Achapukuta misodzi yose pamaziso avo. Rufu haruchazovapozve, hapachazova nokuungudza kana kuchema kana kurwadziwazve, nokuti zvinhu zvakare zvinenge zvapfuura.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvakaratidzwa 21:5
Uya akanga agere pachigaro choumambo akati, “Tarisai muone ndava kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.” Akatizve, “Nyora izvi nokuti mazwi aya mazwi anovimbika uye ndeechokwadi.”
3
Zvakaratidzwa 21:3
Ndakanzwa izwi guru richibva pachigaro choumambo richiti, “Tarisai muone kuti Mwari ava kuzoita musha wake pakati pavanhu. Achagara navo; ivo vachava vanhu vake iyewo Mwari pachake achava navo.
4
Zvakaratidzwa 21:6
Uya akanditi, “Zvaitika. Ndini Arifa naOmega ndini mavambo namagumo ezvinhu kune vane nyota ndichavapa mvura pasina muripo ichibva mukasipiti kemvura youpenyu.
5
Zvakaratidzwa 21:7
Uyo anokunda achawana mugove wenhaka yezvinhu izvi ini ndichava Mwari wake iye achivawo mwana wangu.
6
Zvakaratidzwa 21:8
Asi mbwende, navanohedhuka navakapara zvitadzo nemhondi nemhombwe navaroyi, navanamati vezvinhu zvisiri Mwari, navarevi venhema, chavo ivo zidziva riya rinobvira moto nesarufa. Ndirwo rufu rwechipiri.”
7
Zvakaratidzwa 21:1
Ipapo ndipo pandakazoona denga idzva nenyika itsva nokuti denga rakare nenyika yakare zvakanga zvapfuura uye gungwa pakanga pasisina.
8
Zvakaratidzwa 21:2
Ndakazoona guta dzvene Jerusaremu idzva richiburuka mudenga richibva kuna Mwari rakagadzirirwa semwenga, mwenga akashongedzerwa murume wake.
9
Zvakaratidzwa 21:23-24
Guta iroro haridi zuva kana mwedzi zvokurivhenekera nazvo nokuti kupenya kokuvapo kwaMwari ndicho chiedza charo, Hwayana iri iyo rambi rayo. Marudzi ose achafamba achivhenekerwa nechiedza charo uye madzimambo apasi achauisa mariri zvinovapa mbiri.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo