1
Vafiripi 1:6
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Ndine chokwadi chokuti iye akatangisa basa iri rakanaka mamuri, acharipedzisa pazuva raKristu Jesu.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Vafiripi 1:9-10
Chandinokunamatirai ndechokuti dai rudo rwenyu rwangoramba rwuchifashukira kuwanda muine ruzivo nechipo chokugona kuona zvinhu nemazvo kuti mukwanise kusarudza chakanakisisa uye kuti muve vatsvene vasina chinoshoreka pamuri pazuva raKristu
3
Vafiripi 1:21
nokuti kwandiri kurarama kwangu ndiKristu; kufa kupfuma.
4
Vafiripi 1:3
Ndinotenda Mwari wangu pose pandinokufungai uye nguva dzose
5
Vafiripi 1:27
Chete, mugariro wenyu ngaufambirane neShoko raKristu, kuitira kuti kunyange ndikauya ndichizokuonai kana kuti ndisiko zvangu ndinzwe kuti makamira zvakasimba muine mwoyo nepfungwa imwecheteyo muchiita chirwirangwe pachitendero cheShoko Rakanaka.
6
Vafiripi 1:20
Chido changu nechitarisiro changu ndechokuti ndirege kumbofa ndakanyara asi ndive nechivindi chizere zvino uye samazuva ose Kristu acharumbidzwa mumuviri wangu noupenyu hwangu kana norufu rwangu
7
Vafiripi 1:29
Chikonzero ndechokuti pamusana paKristu makapiwa, kwete kuti mungodavira chete maari, asi kuti mumutambudzikirewo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo