1
Isaya 52:7
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Hakusi kunaka ikoko, pamakomo, kwakaita tsoka dzaanouya neshoko rakanaka, anoparidza vanhu shoko rorugare achiunza shoko rakanaka shoko rezvakanaka, anoparidza vanhu shoko roruponeso achiti kuguta reZioni, “Mwari wenyu ndiye anotonga.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 52:14-15
Sezvakaitika kuti vazhinji vakakatyamara naye asisatarisike zvakanaka, asisamboonekwa somunhu. Chimiro chake zvokuti munhu pasisina, Ndudzi dzakawanda dzichaomawo mate mukanwa nazvo, madzimambo chaiwo achibatawo muromo pamusana pake, nokuti zvavasati vambotaurirwa zvavo ndozvavachaona nezvavasina kumbonzwa ndizvo zvavachazonzwisisa.”
3
Isaya 52:13
“Inzwai munzwe, muranda wangu achabudirira, acharumbidzwa, achasumudzirwa pamusoro achiva wapamusorosoro.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo