1
Kutsinhira Mutemo 7:9
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Naizvozvo zivai kuti Tenzi Mwari wenyu ndiye Mwari iyeyo. NdiTenzi akavimbika anochengetedza chitenderano chake, ane mwoyochena kune vanomuda, navanochengeta mitemo yake kusvikira kuzvizvarwa zvavo zvamazana akazanirana.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Kutsinhira Mutemo 7:6
Ndinodaro nokuti imi muri vanhu vatsvene vakatsaurirwa Tenzi Mwari wenyu. Tenzi Mwari wenyu akakusarudzai pakati pamarudzi ose, apasi pano pose, kuti muve vanhu vake pachake.
3
Kutsinhira Mutemo 7:8
Asi nokuti Tenzi anokudai, aidawo kuchengetedza chitsidzo chake chaakaita namadzitateguru enyu. Tenzi akakubudisai nesimba guru, akakununurai muuranda hwaFarao mambo weIjipiti.
4
Kutsinhira Mutemo 7:7
“Hakusi kuwanda kwenyu kupfuura vamwe kwakaita kuti Tenzi akudei nokukusarudzai nokuti maiva vashoma kwazvo pana mamwe marudzi ose.
5
Kutsinhira Mutemo 7:14
Imi ndimi muchakomborerwa kupfuura marudzi ose avanhu. Pakati penyu hapachazovi nomurume asingabereki, kana mukadzi anoshaya mbereko, kana nezvipfuwo zvisingaite vana.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo