“Ini ndava kuda kuendawo kwakaenda vamwe. Tsunga mwoyo uite somurume uchengete zvakarehwa naTenzi, Mwari wako, ufambe mumakwara ake uchichengeta mitemo yake nemirao yake nezvirongwa zvake nezvirevo zvake sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi kuitira kuti zvose zvaunoita zvikufambire zvakanaka kwose kwaunoenda, Tenzi agozadzisa zvaakareva nezvangu achiti, ‘Kana vanakomana vako vakachenjerera muitiro wavo vakafamba vakatendeseka kwandiri nomwoyo wose nomweya wavo wose, pachigaro choumambo hweIsiraeri hapazogara pasina murume wokwako.’