1
Mapisarema 90:12
Shona Bible 1949, revised 2002
Tidzidzisei kunatsoverenga mazuva edu, Kuti tizviwanire mwoyo wakachenjera.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 90:17
Kunaka kwaJehovha Mwari wedu ngakuve pamusoro pedu; Mutisimbisire basa ramaoko edu; Zvirokwazvo, basa ramaoko edu murisimbise.
3
Mapisarema 90:14
Tigutsei mangwanani nengoni dzenyu; Kuti tifarise, tive nomufaro mazuva edu ose
4
Mapisarema 90:2
Makomo asati azvarwa, Musati matongosika nyika nevhu, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imi muri Mwari.
5
Mapisarema 90:1
Ishe, makanga muri ugaro hwedu Pamarudzi namarudzi.
6
Mapisarema 90:4
Nokuti kwamuri makore ane chiuru Akangofanana nezuva razuro kana rapfuura, Senguva yokurinda yousiku.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo