1
Numeri 22:28
Shona Bible 1949, revised 2002
Zvino Jehovha akashamisa muromo wembongoro, ikati kuna Bharamu, “Ndakakuitireiko, zvamandirova zvino katatu?”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Numeri 22:31
Ipapo Jehovha akasvinudza meso aBharamu, akaona mutumwa waJehovha amire munzira, ano munondo wakavhomorwa muruoko rwake; akakotamisa musoro wake, akawira pasi nechiso chake.
3
Numeri 22:32
Mutumwa waJehovha akati kwaari, “Warovereiko mbongoro yako zvino katatu? Tarira, ini ndimene ndabuda kuzokudzivisa, nokuti nzira yako inovavarira kune zvakaipa pamberi pangu.
4
Numeri 22:30
Mbongoro ikati kuna Bharamu, “Ko ini handizi mbongoro yenyu yamakatasva makore enyu ose kusvikira zuva rino here? Ko ndaigara ndichikuitirai saizvozvo here?” Iye akati, “Kwete.”
5
Numeri 22:29
Bharamu akati kumbongoro, “Nokuti wakandidadira; dai ndaiva nomunondo muruoko rwangu, ndingadai ndakuuraya pakarepo.”
6
Numeri 22:27
Mbongoro ikaona mutumwa waJehovha, ikavata pasi, Bharamu ari pamusoro payo; Bharamu akatsamwa, akarova mbongoro netsvimbo yake.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo