“Ishe wangu mambo, vanhu ava vakaita zvakaipa pazvose zvavakaitira muporofita Jeremiya, wavakakandira mugomba; zvino iye unenge uchafira panzvimbo iyo paari, nemhaka yenzara; nokuti hakuchina chingwa muguta.” Ipapo mambo akaraira muItiopia Ebhedhimereki, akati, “Tora pano vanhu vana makumi matatu, unobudisa muporofita Jeremiya mugomba asati afa.”