1
Ɀakazarurwa 6:8
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikatarira, ndikaʋona biza rakacenuruka; wakaŋga akaritaȿa, zita rake Rufu; ʋuye Hadesi rakamuteʋera. Iʋo ʋakapiwa simba pamsoro pececinna cenyika, kuti ʋaʋuraye nomunondo, nenzara, norufu, neɀikara ɀenyika.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ɀakazarurwa 6:2
Ndikatarira, ndikaʋona biza jena, naiye wakaŋga akaritaȿa, wakaŋga anoʋuta; akapiwa korona, akaɓuɗa acikunda, ʋuye kuti akunde.
3
Ɀakazarurwa 6:9
Wakati azarura cisimbiso cecishanu, ndikaʋona panyasi peartari mŋeya yaʋanhu ʋakaŋga ʋaʋurawa nokuɗa kweshoko raMŋari, nokupupura kwaʋo kwaʋakapupura
4
Ɀakazarurwa 6:10-11
ʋakaɗana nenzwi guru ʋaciti: Tenzi mutȿene waɀokwaɗi, mucarega kutoŋga ʋanogara panyika nokuʋatsiʋa ropa reɗu kuȿikira riniko? Ipapo mumŋe nomumŋe waʋo wakapiwa ŋguʋo cena; ʋakaʋudzwa kuti ʋambozorora ciŋguʋa ciɗuku, kuȿikira ʋamŋe ʋaranda pamŋe cete naʋo nehama dzaʋo, dzaifanira kuʋurawa saiʋo, ʋariŋganiswa ʋose.
5
Ɀakazarurwa 6:4
Ipapo rimŋe biza rakaɓuɗa riri dɀuku; wakaŋga akaritaȿa akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti ʋaʋurayane; akapiwa munondo mukuru.
6
Ɀakazarurwa 6:17
nokuti zuʋa guru rokutsamŋa kwaʋo raȿika; ndianiko unogona kumira?
7
Ɀakazarurwa 6:12-13
Ɀino ndakaʋona pakuzarura kwake cisimbiso cecitanhatu, kwakaŋga kunokuɗeŋgenyika kwenyika kukuru, zuʋa rikaȿiɓa segudza remvere, mŋedzi wose ukaita seropa; nenyeredzi dzeɗeŋga dzikawira pasi, somuʋonde unozuza magaŋga awo, kana ucizunuŋguswa nomututu mukuru.
8
Ɀakazarurwa 6:5-6
Wakati azarura cisimbiso cecitatu, ndikanzwa cisikwa cipenyu cecitatu ciciti: Ʋuya! Ndikatarira, ndikaʋona biza ɗema; wakaŋga akaritaȿa wakaŋga aneciyereso muruʋoko rwake. Ndikanzwa inzwi pakati peɀisikwa ɀipenyu ɀinna, riciti: Ciyero ceɀiyo cicateŋgwa nedenari, neɀiyero ɀitatu ɀebari nedenari; usatadzira mafuta newaini.
9
Ɀakazarurwa 6:14-15
Ƌeŋga rikabva sebuku, kana icipetwa; namakomo ose neɀiwi ɀose ɀakabviswa panɀimbo dzaɀo. Namadzimambo enyika, naʋakuru, naʋatuŋgamiriri ʋehondo, naʋafumi, naʋanesimba, naʋaranda ʋose, naʋakasunuŋguka ʋose, ʋakandoʋanda mumapako nomumabge amakomo
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo