1
Ɀakazarurwa 21:4
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ucapisika misodzi yose pameso aʋo; rufu harucaʋi’po, kana kucema, kana kurira, kana kutambudzika haɀiŋgaʋi’po; nokuti ɀokutaŋga ɀapfuʋura.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ɀakazarurwa 21:5
Wakaŋga agere pacigaro coʋushe akati: Tarirai, ndinoʋandudza ɀose. Akati: Nyora, nokuti mashoko awa aŋgatendwa, ndaaɀokwaɗi.
3
Ɀakazarurwa 21:3
Ndikanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, riciti: Tarirai, tabernakeri yaMŋari iri pakati paʋanhu, iye ucagara naʋo, iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋake; Mŋari amene ucaʋa naʋo, aʋe Mŋari waʋo.
4
Ɀakazarurwa 21:6
Akati kwandiri: Ɀaitwa. Ndini Arfa neOmega, kutaŋga nokuguma. Ini ndicapa unenyota ɀinobva patsime remvura yoʋupenyu asiŋgateŋgi.
5
Ɀakazarurwa 21:7
Unokunda ucagara nhaka yeɀinhu iɀi; ndicaʋa Mŋari wake, iye ucaʋa mŋanakomana waŋgu.
6
Ɀakazarurwa 21:8
Asi kana ʋari ʋanotya, naʋasiŋgatendi naʋanyaŋgadzi, naʋaʋurayi, nemhombge, naʋaroyi, naʋanonamata ɀifananidzo, naʋose ʋanoreʋa nhema, mugoʋe waʋo uri mudziʋa rinopfuta nomŋoto nesurferi; ndirwo rufu rwecipiri.
7
Ɀakazarurwa 21:1
Ɀino ndakaʋona ɗeŋga idɀa nenyika itȿa, nokuti ɗeŋga rokutaŋga nenyika yokutaŋga ɀakaŋga ɀapfuʋura; neguŋgwa rakaŋga risisi’po.
8
Ɀakazarurwa 21:2
Ndikaʋona guta dɀene, Jerusarema idɀa, riciɓuruka kuɗeŋga ricibva kunaMŋari, rakagadzirwa somŋeŋga wakashoŋgerwa murume wake.
9
Ɀakazarurwa 21:23-24
Guta haritȿaki zuʋa kana mŋedzi, kuti rivenekerwe naɀo; nokuti kubginya kwaMŋari ndiko kwairivenekera, nomŋenje waro ndiro Gwaiana. Ndudzi dzinofamba neciedza caro; madzimambo enyika anoʋuyisa kubginya kwawo mukati maro.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo