1
ƲaFiripi 1:6
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndiciziʋa cinhu ici, kuti iye wakataŋga ɓasa rakanaka mukati menyu, ucaripedzisa kuȿikira pazuʋa raKristu Jesu
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
ƲaFiripi 1:9-10
Ndiɀo zandinonyeŋgetera, kuti ruɗo rwenyu rurambe ruciŋgowanda pakuziʋa nokunzwisisa kwose; kuti muidze muziʋe kuti ɀinhu ɀakanaka ndeɀipi, kuti muʋe ʋakarurama, ʋasinemhoȿa, kuȿikira pazuʋa raKristu
3
ƲaFiripi 1:21
Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kufuma.
4
ƲaFiripi 1:3
Ndinoʋoŋga Mŋari waŋgu ŋguʋa imŋe neimŋe kana ndicikufuŋgai,
5
ƲaFiripi 1:27
Asi fambai ɓedzi ɀakafanira Evaŋgeri yaKristu; kuti kunyaŋge ndikaʋuya ndikakuʋonai, kunyaŋge ndisi’po, ndinzwe pamsoro penyu kuti mumire nesimba nomŋeya mumŋe, nomŋoyo mumŋe, mucirwira kutenda kweEvaŋgeri
6
ƲaFiripi 1:20
ɀandinotarira ɀikuru netariro, kuti handiŋganyadziswi pacinhu cimŋe; asi kuti ɀino, sapaŋguʋa dzose, nokusatya kwaŋgu kwose Kristu ucakudzwa mumuʋiri waŋgu, kana noʋupenyu, kana nokufa.
7
ƲaFiripi 1:29
Nokuti nokuɗa kwaKristu imi makatenderwa kuti murege kutenda kwaari ɓedzi, asi kuti mutambudzike ʋo nokuɗa kwake
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo