1
Isaya 26:3
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unomŋoyo wakasimba mucamuceŋgeta murugare rukuru, nokuti unoʋimba nemi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 26:4
Ʋimbai naJehova nokusiŋgaperi; nokuti munaJehova, iye Jehova, muneɗombo risiŋgaperi.
3
Isaya 26:9
Ndakakushuʋai nomŋeya waŋgu ʋusiku; ɀirokwaɀo, ndicakutȿakai ɀikuru nomŋeya waŋgu uri mukati maŋgu; nokuti kana kutoŋga kwenyu kuri panyika, ʋanhu ʋagere munyika ʋanodzidza ɀakarurama.
4
Isaya 26:12
Jehova, imi mucatigadzirira rugare; nokuti makatiɓatira ʋo maɓasa eɗu ose.
5
Isaya 26:8
Ɀirokwaɀo, takakumirirai Jehova, panzira yokutoŋga kwenyu; mŋeya yeɗu inoshuʋa zita renyu neciraŋgaridzo cenyu.
6
Isaya 26:7
Nzira yaʋakarurama yakarurama; imi munoruramisa nzira yaʋakarurama.
7
Isaya 26:5
Nokuti wakaɗeredza ʋagere pakakwirira, iro guta riri kumsoro; unoriɗeredza, unoriɗeredza kuȿikira pavu; unoriputsira pasi muguruʋa.
8
Isaya 26:2
Zarurai masuʋo, kuti rudzi rwakarurama, runoceŋgeta ɀokwaɗi, rupinde.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo