1
Ezekieri 34:16
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicatȿaka akarashika, ndicadzosa akadziŋgwa, ndicapombera akavunika, ndicasimbisa anorwara; asi akakora naanesimba ndicaaparadza; ndicaafudza ɀakarurama.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ezekieri 34:12
Mufudzi seɀaanotȿaka ɓoka rake, nezuʋa raari pakati pamakwai ake akapararira kwose, saiɀoɀo ndicatȿaka makwai aŋgu, ndicaarwira panɀimbo dzose kwaakapararira nezuʋa ramakore nererima.
3
Ezekieri 34:11
Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ini, ini ndimene, ndicaronda makwai aŋgu nokuatȿaka.
4
Ezekieri 34:15
Ini ndimene ndicaʋa mufudzi wamakwai aŋgu, ndicaaʋatisa pasi — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
5
Ezekieri 34:31
Asi imi, makwai aŋgu, makwai anofudzwa neni, muri ʋanhu, neni ndiri Mŋari wenyu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
6
Ezekieri 34:2
Mŋanakomana womunhu, profita pamsoro paʋafudzi ʋaIsraeri, profita, uti kwaʋari, kunaiʋo ʋafudzi: Ɀanzi naShe Jehova: ʋanenhamo iʋo ʋafudzi ʋaIsraeri ʋanoɀifudza! Ko ʋafudzi haʋafaniri kufudza makwai here?
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo