1
II ƲaTesaronika 2:3
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ŋgakurege kuʋa nomunhu unokunyeŋgerai nomutoʋo upi noupi; nokuti hariȿiki, kana kutsauka kusati kwataŋga kuʋuya, nomunhu weɀiʋi, mŋanakomana wokurashika, asati amboʋonekwa
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
II ƲaTesaronika 2:13
Asi isu tinofanira kuʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose pamsoro penyu, hama dzaŋgu, ʋaɗikanwa ʋaShe, nokuti Mŋari wakakusanaŋgurai kubva pakutaŋga, kuti muponeswe muʋutȿene bgoMŋeya nokutenda ɀokwaɗi.
3
II ƲaTesaronika 2:4
iye, unorwa aciɀikudza pamsoro peɀose ɀinonzi Mŋari, kana ɀinonamatwa; nokuɗaro kuti unogara mutembere yaMŋari, aciɀiita Mŋari.
4
II ƲaTesaronika 2:16-17
Ɀino, Ishe weɗu Jesu Kristu amene, naMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, ʋakatiɗa, ʋakatipa nenyasha dzaʋo kuʋaraidzwa kusiŋgaperi netariro yakanaka, ŋgaʋaʋaraidze mŋoyo yenyu, ʋakusimbisei pamaɓasa ose namashoko ose akanaka.
5
II ƲaTesaronika 2:11
Saka Mŋari unoʋatumira simba rokukaŋganisa, kuti ʋatende nhema
6
II ƲaTesaronika 2:9-10
kuʋuya kwake iye kwakaita seɓasa raSatani nesimba rose, neɀiratidzo, neɀinoshamisa ɀenhema, nokunyeŋgera kwose kwokusarurama kunaʋanorashika; nokuti haʋana‐kugamucira ruɗo rweɀokwaɗi, kuti ʋaponeswe.
7
II ƲaTesaronika 2:7
Nokuti cakaʋanzika cokusarurama cotoɓate‐ɓasa raco; asi ɀicaitwa ɓedzi kuȿikira iye unodziʋisa ɀino acibviswa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo