1
I Samueri 15:22
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Samueri akati: Ko Jehova uŋgafarira ɀipiriso ɀinopiswa neɀiɓayiro, seɀaanofarira kuterera inzwi raJehova here? Tarira, kuterera kunokunda ɀiɓayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondobge.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
I Samueri 15:23
Nokuti kumukira Jehova kwakafanana neciʋi cokuʋuka, ʋuye kusindimara kwakafanana nokunamata kuɀifananidzo neterafimi. Ɀawakaramba shoko raJehova, naiye wakakuramba ʋo, kuti urege kuʋa mambo.
3
I Samueri 15:29
Ʋuye ʋo Mutendiwa waIsraeri haaŋgareʋi nhema, kana kuɀiɗemba; nokuti haazi munhu uŋgaɀiɗemba.
4
I Samueri 15:11
Ndinoɀiɗemba ɀandakagadza Sauro aʋe mambo, nokuti wadzoka, haacanditeʋeri, haana‐kuita seɀandakamuraira. Samueri akaʋa neshuŋgu, akacema kunaJehova ʋusiku bgose.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo