Ini ndoenda nenzira yenyika yose; naiɀoɀo iʋa nesimba, uʋe murume caiye. Ceŋgeta ɀawakarairwa naJehova Mŋari wako, kuti ufambe nenzira dzake, uciceŋgeta ɀaakatema, nemirairo yake, neɀaakatoŋga, neɀipupuriro ɀake, seɀaɀakanyorwa pamurairo waMosesi, kuti ufare paɀose ɀaunoita, ʋuye kwose kwaunoenda. Kuti Jehova asimbise shoko rake raakataura pamsoro paŋgu, aciti: Kana ʋana ʋako ʋakacenjera panzira dzaʋo, kuti ʋafambe pamberi paŋgu neɀokwaɗi nomŋoyo waʋo wose ʋuye nomŋeya waʋo wose, (ndiɀo ɀaakataura), hakuŋgazoshaikwi munhu pacigaro coʋushe caIsraeri.