Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMateo 6:9
Minamato yaJesu
Mazuva mashanu
Makoshero anoita kukurukurirana muhukama hwedu sevanhu, ndiwo makoshero ehurukoro dzedu naMwari. Mwari vanoshuvira kuti titaure navo muminyengetero-nyangwe mwanakomana wavo Jesu ayiita chirango chekunyengetera. Muhurongwa uhu, uchadzidza kubva kumuenzaniso waJesu, uye uchadenwa kuti ubude muchijairire kuitira kuti ugozvinzwira simba nenhungamiro inobva pamunyengetero.
Mazuva makumi maviri nerimwe pakutsanya
Mazuva makumi maviri rerimwe
Tanga gore rako nekuisa meso ako pakuzviranga nekutsanya. Hurongwa hwuno hune zvitsauko zvakatiwandei zvinoita nezvekutsanya uye nemamwewo anokurudzira kuzviongorora nekuswedera pedyo naMwari. Pamazuva 21, uchange uchipihwa ndima inobva muBhaibheri, chirongwa chekunamata, mivhunzo inobetsera kuzviongorora, uye neminamato. Kuwana zvimwe zvakatiwandei, enda ku www.finds.life.church.
Munamato
Mazuva makumi maviri rerimwe
Dzidza kuti unonamata sei zvakanaka, zvese kubva kuminamato yevakatendeka uyekubva pamashoko aJesu. Tsvaga kurudziro yekuramba uchiendesa zvikumbiro zvako kuna Mwari mazuva ose, nekutsungirira uye nekushivirira. Ongorora mienzaniso yeminamato isina chinhu, yekuzviruramisa, ichienzaniswa neminamato yakachena yevaye vane mwoyo yakachena. Namata nguva dzose.