1
Johani 5:24
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
“Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu.
ႏွိုင္းယွဥ္
Johani 5:24ရွာေဖြေလ့လာလိုက္ပါ။
2
Johani 5:6
Jesu akati amuona avete imomo, uye aiziva kuti akanga aita mararamiro iwayo kwenguva refu, akamubvunza akati, “Unoda kuporeswa here?”
Johani 5:6ရွာေဖြေလ့လာလိုက္ပါ။
3
Johani 5:39-40
Munoshingaira kunzvera magwaro nokuti munofunga kuti maari mune upenyu husingaperi. Magwaro iwaya anopupura pamusoro pangu, asi imi munoramba kuuya kwandiri kuti muve noupenyu.
Johani 5:39-40ရွာေဖြေလ့လာလိုက္ပါ။
4
Johani 5:8-9
Ipapo Jesu akati kwaari, “Simuka! Tora rukukwe rwako ufambe.” Pakarepo murume uyu akaporeswa; akatora rukukwe rwake akafamba. Zuva rakaitika izvi raiva reSabata.
Johani 5:8-9ရွာေဖြေလ့လာလိုက္ပါ။
5
Johani 5:19
Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, Mwanakomana haagoni kuita chinhu ari oga; anongogona kuita zvaanoona Baba vake vachiita, nokuti zvose zvinoitwa naBaba, Mwanakomana anozviitawo.
Johani 5:19ရွာေဖြေလ့လာလိုက္ပါ။
ပင္မစာမ်က္ႏွာ
က်မ္းစာ
အစီအစဥ္
ဗီဒီယို