Ruka 19

19
Zakeo
1Akapinda Jeriko, akapfuura napakati. 2Zvino murume aivapo, ainzi Zakeo; iye akanga ari mukuru wavateresi, uye aiva mupfumi; 3akatsvaka kuona Jesu, kuti ndiye ani; asi akanga asingagoni, nokuti akanga akapfupika.
4Ipapo akamhanyira mberi, akakwira mumuonde kuti amuone, nokuti akanga opfuura napo. 5Zvino Jesu akati achisvikapo, akatarira kumusoro, akati kwaari, “Zakeo, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.”
6Iye akakurumidza kuburuka, akamugamuchira nomufaro.
7Vose vakazviona, vakagu'nun'una, vachiti, “Wapinda kundogara nomurume uri mutadzi.”
8Ipapo Zakeo akamira, akati kuna Ishe, “Tarirai, Ishe, ndinopa varombo hafu yepfuma yangu, uye kana ndatorera mumwe chinhu chake nokunyengera, ndinomudzosera zvava zvina.”
9Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika paimba ino; nokuti naiyewo mwanakomana waAbhuruhamu.
10“Nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”
Mufananidzo wepondo
(Mateu 25:14-30)
11Vakati vachinzwa izvozvo, akawedzera akataura mumwe mufananidzo, nokuti akanga ava pedyo neJerusaremu, ivo vakati ushe hwaMwari hwobva hwoonekwa pakarepo. 12Naizvozvo akati, “Mumwe munhu mukuru akaenda kunyika yakanga iri kure, kuti andopiwa ushe, agodzokazve. 13Akadana varanda vake vane gumi, akavapa gumi repondo, akati kwavari, ‘Shambadzirai, kusvikira ndichiuyazve.’ 14Asi vanhu venyika yake vakanga vachimuvenga, vakatuma nhume kumutevera, kundoti, ‘Hatidi kuti uyu munhu ave ishe wedu.’
15“Zvino akati adzoka kuya kwaakanga andopiwa ushe, akarayira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe akawanei nokushambadzira kwake. 16Wokutanga akasvika, akati, ‘Ishe, pondo yenyu yakawana dzimwe pondo dzine gumizve.’
17“Akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda wakanaka; zvawakanga wakatendeka pazviduku-duku, ubate maguta ane gumi.’
18“Wechipiri akasvika, akati, ‘Ishe, pondo yenyu yakawedzerazve pondo shanu.’
19“Akati kwaariwo, ‘Newe, ubate maguta mashanu.’ 20Zvino mumwe akasvika, akati, ‘Ishe, tarirai pondo yenyu heyi, yandakanga ndachengeta mumucheka. 21Nokuti ndakanga ndichikutyai, zvamuri munhu ane hasha, munotora zvamusakaisapo, munocheka zvamusakakusha.’ 22Akati kwaari, ‘Ndichakutonga namashoko ako amene, iwe muranda wakaipa! Wakanga uchiziva kuti ndiri munhu ane hasha, ndichitora zvandisakaisa, ndichicheka zvandisakakusha; 23zvino wakaregereiko kuisa mari yangu mubangi, ndikazoitora pakudzoka kwangu yawanda.’ 24Ipapo akati kuna vakanga vamirepo, ‘Mutorerei pondo iyo, muipe ane pondo dzine gumi.’ 25Vakati kwaari, ‘Ishe, atova nepondo dzine gumi.’ 26Ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe ane chinhu, achapiwa; asi asina, achatorerwa nezvaanazvo. 27Asi vavengi vangu avo, vakanga vasingadi kuti ndive ishe wavo, uyai navo pano, muvauraye pamberi pangu.’ ”
28Akati areva izvozvo, akatungamirira mberi achikwira Jerusaremu.
Jesu anogamuchirwa paJerusaremu
(Mateu 21:1-11; Mako 11:1-11; Johani 12:12-19)
29Akati oswedera Bhetifage neBhetania, kugomo rinonzi reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri, 30achiti, “Endai kumusha wakatarisana nemi; kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina kumbotasvwa nomunhu; muisunungure, mugouya nayo. 31Kana mumwe akakubvunzai, achiti, ‘Munoisunungurireiko?’ Muti kwaari, ‘Kudai ishe anoida.’ ”
32Avo vakatumwa vakaenda, vakandowana sezvaakanga avaudza.
33Zvino vakati vachisunungura mhuru, varidzi vayo vakati kwavari, “Munosunungurireiko mhuru?”
34Vakati, “Ishe anoida.”
35Vakauya nayo kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo pamusoro pemhuru, vakatasvisa Jesu pamusoro payo.
36Zvino achifamba, vakawarira nguo dzavo munzira. 37Akati oswedera pamaburusiro egomo reMiorivhi, vadzidzi vake vazhinji vose vakatanga kufara nokurumbidza Mwari nezwi guru pamusoro pamabasa ose esimba avakanga vaona, 38vachiti, “Mambo ngaakudzwe, iye anouya muzita raIshe! Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumusoro-soro!”
39Vamwe vaFarisi pakati pavazhinji vakati kwaari, “Mudzidzisi, rairai vadzidzi venyu!”
40Akapindura, akati, “Ndinokuudzai, kana ava vakanyarara, mabwe angadanidzira.”
Jesu anochema pamusoro peJerusaremu
41Zvino akati aswedera pedyo, akaona guta, akachema pamusoro paro, 42achiti, “Dai waiziva iwe zuva rino zvinhu zvingakupa rugare, asi zvino zvakavanzirwa meso ako! 43Nokuti uchasvikirwa namazuva, auchavakirwa nawo muchinjiziri navavengi vako, vachakukomba, nokukumanikidza pamativi ose; 44vachakuparadzira pasi, iwe navana vako mukati mako; havangaregi mukati mako ibwe rimwe riri pamusoro perimwe; nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako.”
Jesu anonatsa temberi
(Mateu 21:12-17; Mako 11:15-19; Johani 2:13-22)
45Zvino akapinda mutemberi, akatanga kubudisira kunze vakanga vachitengesamo, 46achiti kwavari, “Kwakanyorwa kuti imba yangu ichava imba yokunyengetera; asi imi makaiita bako ramakororo.”
47Aidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutemberi; asi vapristi vakuru navanyori navakuru vavanhu vakanga vachitsvaka kumuuraya. 48Asi vakanga vasingawani zvavangaita, nokuti vanhu vose vakamunamatira, vachimunzwa.

Terpilih Sekarang Ini:

Ruka 19: SNA2002

Highlight

Kongsi

Salin

None

Ingin menyimpan sorotan merentas semua peranti anda? Mendaftar atau log masuk