Johani 10
10
Mufananidzo womufudzi akanaka
1Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, “Asingapindi napamusuo mudanga ramakwai, asi anokwira napamwe, imbavha negororo. 2Asi anopinda nopamusuo, ndiye mufudzi wamakwai. 3Murindi womusuo anomuzarurira iye, makwai anonzwa izwi rake, anodana makwai ake namazita awo, nokuaperekedzera kunze. 4Kana abudisa makwai ake ose, anoatungamirira; makwai anomutevera, nokuti anoziva izwi rake. 5Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi izwi ravaeni.”
6Jesu akareva mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa, kuti zvaakavataurira ndezvei.
7Zvino Jesu akati kwavarizve, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ndini musuo wamakwai. 8Vose vakanditangira kuuya, imbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
9“Ndini musuo kana munhu apinda neni, achaponeswa, achapinda, achabuda, achawana mafuro. 10Mbavha inongouya, kuti ibe nokuuraya nokuparadza. Ini ndakauya, kuti ave noupenyu, uye ave nohwakawanda.
11“Ndini mufudzi akanaka; mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake. 12Muranda, asati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, anoti kana achiona bere richiuya, anosiya makwai, ndokutiza; bere rinoabvuta, nokuaparadza; 13anotiza, zvaari muranda; haana hanya namakwai. 14Ndini mufudzi akanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini, 15Baba sezvavanondiziva, neni ndichiziva baba; ndinorashira makwai angu hupenyu hwangu. 16Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawowo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe.
17“Saka baba vanondida, nokuti ndinorasha upenyu hwangu, ndigohutorazve. 18Hakuna munhu anganditorera upenyu; asi ndinohurasha ndimene. Ndine simba rokuhurasha, uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa nababa vangu.”
19Ipapo kupesana kukamukazve pakati pavaJudha pamusoro pamashoko iwayo.
20Vazhinji vavo vakati, “Ane mweya wakaipa, anopenga; munomuteerereiko?”
21Vamwe vakati, “Mashoko awa haati ari omunhu akabatwa nomweya wakaipa; ko mweya wakaipa ungagona kusvinudza meso amapofu here?”
Jesu anoudza vaJudha kuti ndiye Kristu
22Yaiva nguva yomutambo wokuvandudzwa kwetemberi paJerusaremu; chaiva chando. 23Jesu akafamba mutemberi pabiravira raSoromoni.
24Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari, “Uchatinetsa kusvikira ripiko? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.”
25Jesu akavapindura, akati, “Ndakakuudzai, mukasatenda. Mabasa andinoita nezita rababa, ndiwo anondipupurireni. 26Asi imi hamutendi, nokuti hamusi vamakwai angu. 27Makwai angu anonzwa izwi rangu; neni ndinoaziva, uye anonditevera. 28Ndinoapa upenyu husingaperi; haangafi nokusingaperi, uye hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu. 29Zvandakapiwa nababa vangu zvikuru kuna zvose; hakuna munhu ungaabvuta muruoko rwababa vangu.
30“Ini nababa tiri vamwe.” 31Zvino vaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake.
32Jesu akavapindura, akati, “Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka akabva kuna baba; munonditakira basa ripiko kuna iwaya?” 33VaJudha vakamupindura, vakati, “Hatikutakiri basa rakanaka; asi nokuti wamhura Mwari; uye, nokuti iwe munhu, unozviita Mwari.”
34Jesu akavapindura, akati, “Hazvina kunyorwa here mumurayiro wenyu, zvichinzi, ndakati, ‘Muri vamwari?’
35“Zvino kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, (Rugwaro harungaputswi); 36imi moti seiko kuna iye akaitwa mutsvene nababa, nokutumwa panyika, unomhura Mwari, zvandakati, ndiri Mwanakomana waMwari? 37Kana ndisingaiti mabasa ababa vangu, regai kunditenda ini; 38asi kana ndichiaita, kunyange musinganditendi ini, tendai mabasa, mugoziva nokunzwisisa, kuti baba vari mandiri, neni ndiri muna baba.”
39Zvino vakatsvakazve kumubata, asi iye akapukunyuka pamaoko avo.
Jesu anondogara mhiri kwaJorodhani
40Zvino akaendazve mhiri kwaJorodhani, paya paibhabhatidza Johani pakutanga; akagarapo. 41Vazhinji vakauya kwaari, vakati, “Johani haana kuita chiratidzo, asi zvose zvakareva Johani pamusoro pouyu ndezvechokwadi.”
42Vazhinji vakatenda kwaari ipapo.
Terpilih Sekarang Ini:
Johani 10: SNA2002
Highlight
Kongsi
Salin
Ingin menyimpan sorotan merentas semua peranti anda? Mendaftar atau log masuk
© Shona Union Version 2002