Genesi 24

24
Rabheka anotorwa kuva mukadzi waIsaka
1Abhurahamu zvino wakanga akwegura, ava mutana kwazvo; Jehovha wakanga aropafadza Abhurahamu pazvinhu zvose. 2Abhurahamu akataura nomuranda wake, waiva mukuru weimba yake, waichengeta zvose zvaakanga anazvo, achiti, “Chimboisa chanza chako pasi pechidya changu, 3ndikupikise naJehovha, Mwari wokudenga, naMwari wenyika, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKenani, vandinogara pakati pavo; 4asi uende kunyika yangu, nokuhama dzangu, undotorera ikoko mwanakomana wangu Isaka mukadzi.”
5Muranda akati kwaari, “Zvimwe mukadzi haangatendi kunditevera kunyika ino, zvino ndingafanira kudzosera mwanakomana wenyu kunyika kwamakabva here?”
6Abhurahamu akati kwaari, “Chenjera kuti urege kudzosera mwanakomana wangu ikoko. 7Jehovha, Mwari wokudenga, wakandibvisa paimba yababa vangu nomunyika yokuzvarwa kwangu, wakataura neni, akandipikira, achiti, ‘Nyika ino ndichapa vana vako,’ ndiye achatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti utorere mwanakomana wangu mukadzi ikoko. 8Kana mukadzi asingatendi kukutevera, iwe uchasunungurwa pakupika kwako uku kwandiri; asi usadzosera mwanakomana wangu ikoko.” 9Ipapo muranda akaisa chanza chake pasi pechidya chatenzi wake, akamupikira pamusoro pechinhu ichocho.
10Muranda akatora makamera ane gumi pamakamera atenzi wake, akaenda, aine nhumbi dzose dzakanaka dzatenzi wake; akasimuka, akaenda Mesopotamia kuguta raNahori. 11Akapfugamisa makamera kunze kweguta patsime remvura nenguva yamadekwana, iri nguva yaibuda vakadzi kundochera mvura; 12akati, “Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, ndifambisei henyu zvakanaka nhasi; muitire tenzi wangu Abhurahamu ngoni. 13Tarirai ndimire patsime remvura, vakunda vavanhu veguta vobuda kuzochera mvura. 14Zvino ngakuitwe kuti musikana wandichati kwaari, ‘Nditurirewo chirongo chako, ndinwe’; kana akati, ‘Inwai henyu, namakamera enyu ndichaanwisawo;’ ngaave iye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; naizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu ngoni.”
15Zvino wakanga asati apedza kutaura, Rabheka, wakaberekerwa Bhetueri, mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori, mun'una waAbhurahamu, wakasvika ane chirongo pafudzi rake. 16Zvino musikana uyu wakanga akanaka kwazvo pameso ake, mhandara isina kumboziviwa nomurume; akaburukira kutsime, akazadza chirongo chake, akakwirazve. 17Ipapo muranda wakamhanyira kundosangana naye, akati, “Dondipawo mvura pachirongo chako, ndinwe.”
18Iye akati, “Inwai henyu, ishe wangu;” akakurumidza kutura chirongo chake paruoko rwake, akamunwisa. 19Wakati apedza kumunwisa, akati, “Ndichacherera makamera enyuwo kusvikira aguta.” 20Akakurumidza, akadurura mvura yakanga iri muchirongo chake muchinwiro; akamhanyira kutsime kundocherazve, akacherera makamera ake ose. 21Murume akamutarisisa, anyerere, kuti azive kana Jehovha amufambisa zvakanaka parwendo rwake, kana kwete.
22Makamera akati apedza kunwa murume akatora chindori chendarama chakaita hafu yeshekeri rimwe rendarama pakurema kwacho, nezvishongo zviviri zvamaoko zvakaita mashekeri ane gumi pakurema kwazvo; 23akati, “Uri mukunda waaniko? Ndiudze hako. Kumba kwababa vako kune pokuvata here?”
24Iye akati, “Ndiri mukunda waBhetueri, mwanakomana waMirika, waakaberekera Nahori.” 25Akati kwaariwo, “Tinahwo uswa hwakaoma nezvokudya zvizhinji, nopokuvatawo.”
26Murume akakotamisa musoro wake, akanamata Jehovha. 27Akati, “Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu ngaakudzwe, asina kurega nyasha dzake nokutendeka kwake kuna tenzi wangu; kana ndirini, Jehovha wakandifambisa, akandisvitsa kuimba yehama dzatenzi wangu.” 28Ipapo musikana wakamhanya, akandoudza veimba yamai vake mashoko iwaya. 29Zvino Rabheka wakanga ane hanzvadzi yainzi Rabhani; Rabhani akabuda, akamhanyira kumurume kutsime. 30Nokuti wakati achiona chindori nezvishongo pamaoko ehanzvadzi yake, achiti, “Ndizvo zvakataura murume kwandiri,” akaenda kumurume akamuwana amire pamakamera patsime. 31Akati, “Pinda, iwe, wakaropafadzwa naJehovha; unomirireiko kunze? Nokuti ndagadzira imba nenzvimbo yamakamera.” 32Murume akapinda mumba; akasunungura makamera akapa makamera uswa hwakaoma nezvokudya; nemvura kuti ashambidze tsoka dzake netsoka dzavarume vaakanga anavo. 33Ipapo zvokudya zvakaiswa pamberi pake kuti adye; asi iye akati, “Handingadyi ndisati ndambotaura mashoko angu.” Akati, “Taura hako.”
34Iye akati, “Ndiri muranda waAbhurahamu. 35Jehovha wakaropafadza tenzi wangu kwazvo; wava mukuru; wakamupa makwai, nemombe, nesirivha, nendarama, navaranda, navarandakadzi, namakamera, nembongoro. 36NaSara, mukadzi watenzi wangu, wakaberekera tenzi wangu mwanakomana pakukwegura kwake; ndiye waakapa zvose zvaanazvo. 37Tenzi wangu akandipikisa, akati, ‘Usatorera mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKenani, pandigere munyika yavo; 38asi uende kune veimba yababa vangu nokuhama dzangu unotorera mwanakomana wangu mukadzi ikoko.’ 39Ndikati kuna tenzi wangu, ‘Zvimwe mukadzi haangatendi kunditevera.’ 40Iye akati, ‘Jehovha wandinosifamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe, akufambise zvakanaka parwendo rwako; unotorera mwanakomana wangu mukadzi kuhama dzangu nokune veimba yababa vangu; 41uchasunungurwa pakupika kwako kwandiri kana wasvika kuhama dzangu; kana vakaramba kukupa iye, uchasunungurwa pakupika kwako kwandiri.’ 42Zvino ndakasvika nhasi kutsime, ndikati, ‘Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, kana muchida kundifambisa zvakanaka parwendo rwangu rwandinofamba, 43tarirai, ndimire patsime remvura; zvino ngazviitwe, kuti musikana anobuda kuzochera mvura,’ wandichati kwaari, ‘Dondipawo zvimvura pachirongo chako, ndinwe,’ 44iye akati kwandiri, ‘Inwai henyu, imi, uye ndichacherera makamera enyuwo,’ iye ave mukadzi wakatsaurirwa mwanakomana watenzi wangu naJehovha. 45Zvino ndisati ndapedza kutaura mumwoyo mangu, ndikaona Rabheka achiuya aine chirongo chake pafudzi rake; akaburukira kutsime, akachera; ndikati kwaari, ‘Dondipawo, ndinwe.’ 46Iye akakurumidza, akatura chirongo chake pafudzi rake, akati, ‘Inwai henyu, uye ndichanwisa makamera enyuwo’; ini ndikanwa, akanwisa makamerawo. 47Zvino ndakamubvunza, ndikati, ‘Uri mukunda waaniko?’ Iye akati, ‘Ndiri mukunda waBhetueri, mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika;’ ipapo ndakaisa chindori mumhino dzake, nezvishongo pamaoko ake. 48Ndikakotamisa musoro wangu, ndikanamata Jehovha, ndikatenda Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, iye wakandifambisa panzira yakarurama, kuti nditorere mwanakomana watenzi wangu mukunda womun'una watenzi wangu, kuti ave mukadzi wake. 49Zvino kana muchida kuitira tenzi wangu mwoyochena nokutendeka, mundiudze; kana musingadi, mundiudze, kuti ndiende kurudyi kana kuruboshwe.”
50Ipapo Rabhani naBhetueri vakapindura vakati, “Chinhu ichi chinobva kuna Mwari. Isu hatigoni kutaura kwauri zvakaipa kana zvakanaka. 51Tarira, Rabheka ari pamberi pako, umutore uende, kuti ave mukadzi wake, sezvakarehwa naJehovha.” 52Zvino muranda waAbhurahamu wakati anzwa mashoko avo, akakotamira pasi pamberi paJehovha; 53muranda akabudisa zvishongo zvesirivha, nezvendarama, nenguo; akazvipa Rabheka; akapawo hanzvadzi yake namai vake nhumbi dzinokosha.
54Vakadya, vakanwa, iye navarume vaakanga anavo; vakagarapo usiku hwose, vakamuka mangwanani; iye akati, “Regai, ndiende kuna tenzi wangu.”
55Asi hanzvadzi yake namai vake vakati, “Musikana achimbogara nesu mazuva zvimwe ane gumi, agozoenda hake.”
56Asi iye wakati kwavari, “Musandidzora henyu, Jehovha zvaakandifambisa zvakanaka parwendo rwangu; regai ndiende kuna tenzi wangu.”
57Ivo vakati, “Ngatidane musikana, tinzwe muromo wake.” 58Vakadana Rabheka, vakati kwaari, “Uchaenda nomurume uyu here?” Akati, “Ndichaenda.” 59Ipapo vakatendera Rabheka, hanzvadzi yavo, nomureri wake, kuti vaende nomuranda waAbhurahamu, navanhu vake.
60Vakaropafadza Rabheka,
vakati kwaari,
“Iwe, hanzvadzi yedu,
uve mai vezviuru zvamazana;
vana vako ngavave varidzi vamasuo avavengi vavo.”
61Rabheka akasimuka, navasikana vake, vakatasva makamera, vakatevera murume uyo; muranda akatora Rabheka, akaenda parwendo rwake.
62Zvino Isaka wakanga achibva nenzira yeBheeri-rakai-roi; nokuti wakanga agere kunyika yenyasi. 63Isaka akabuda kundorangarira kusango nenguva yamadekwana; akasimudza meso ake, akatarira, akaona makamera achiuya. 64Rabheka akasimudzawo meso ake; akati achiona Isaka, akaburuka pakamera rake. 65Akati kumuranda, “Murume uyu, anofamba musango kuzosangana nesu ndianiko?”
Muranda akati, “Nditenzi wangu;” iye akatora chokufukidzira chiso chake, akazvifukidza. 66Zvino muranda akaudza Isaka zvose zvaakanga aita. 67Isaka akamuisa mutende ramai vake Sara, akawana Rabheka, akava mukadzi wake; akamuda. Isaka akanyaradzwa shure kwokufa kwamai vake.

Terpilih Sekarang Ini:

Genesi 24: SNA2002

Highlight

Kongsi

Salin

None

Ingin menyimpan sorotan merentas semua peranti anda? Mendaftar atau log masuk