Genesi 17
17
Abrama unotumidzwa Abrahama. Unopiwa ciratidzo cokudziŋgiswa.
1Abrama wakati aȿika makore anamakumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe, Jehova akaɀiratidza kunaAbrama, akati kwaari: Ndini Mŋari wamasimba ose; famba pamberi paŋgu, uʋe wakarurama. 2Ndicaita suŋgano yaŋgu pakati paŋgu newe, ndicakuwanza kwaɀo. 3Ipapo Abrama akawira pasi neciso cake, Mŋari akataura naye, akati: 4Kana ndirini, tarira, suŋgano yaŋgu inewe, ucaʋa ɓaɓa ʋendudzi zhinji‐zhinji. 5Zita rako haricazonzi Abrama, asi zita rako ricanzi Abrahama; nokuti ndakakuita ɓaɓa ʋendudzi zhinji‐zhinji. 6Ndica kuɓerekesa ʋana ʋazhinji‐zhinji; ndicakuita ndudzi, namadzimambo acabva kwauri. 7Ndicasimbisa suŋgano yaŋgu pakati paŋgu newe, naʋana ʋako ʋanokuteʋera pamarudzi aʋo ose, kuti iʋe suŋgano isiŋgaperi; ndicaʋa Mŋari wako nowaʋana ʋako ʋanokuteʋera. 8Ndicakupa iwe naʋana ʋako ʋanokuteʋera, nyika mauri mutorwa iwe, nyika yeKanani yose, kuti iʋe yako nokusiŋgaperi; ini ndicaʋa Mŋari waʋo. 9Mŋari akati ʋo kunaAbrahama: Kana uri’we, ceŋgeta suŋgano yaŋgu, iwe naʋana ʋako ʋanokuteʋera pamarudzi aʋo ose. 10Ndiyo suŋgano yaŋgu, yamunofanira kuceŋgeta pakati paŋgu nemi naʋana ʋako ʋanokuteʋera: Ʋanakomana ʋose pakati penyu ŋgaʋadziŋgiswe. 11Mudziŋgiswe panyama yecikanda cenyu capamberi, kuti ciʋe ciratidzo cesuŋgano iri pakati paŋgu nemi 12Mŋanakomana unamazuʋa masere pakati penyu ŋgaadziŋgiswe, mukomana mumŋe nomumŋe pamarudzi enyu, kana akaɀarwa mumba, kana akateŋgwa nemari kuʋatorwa ʋapi naʋapi, ʋasati ʋari ʋaʋana ʋako. 13Wakaɀarwa mumba mako, nowakateŋgwa nemari, ʋanofanira kudziŋgiswa; suŋgano yaŋgu iʋe panyama yenyu, iʋe suŋgano isiŋgaperi. 14Munhurume usina‐kudziŋgiswa, usina‐kudziŋgiswa panyama yecikanda cake capamberi, munhu wakaɗai unofanira kubviswa pakati porudzi rwake; wakaputsa suŋgano yaŋgu.
15Mŋari akati ʋo kunaAbrahama: Kana ari Sarai, mukadzi wako, haufaniri kuzomutumidza zita rinonzi Sarai, asi zita rake ricanzi Sara; 16ndicamuropafadza iye, ndikupe mŋanakomana kwaari; ndicamuropafadza iye, kuti aʋe mai ʋendudzi; madzimambo aʋanhu acabva maari. 17Ipapo Abrahama wakawira pasi neciso cake, akaseka, akati mumŋoyo make: Ko munhu unamakore anezana uŋgaɓerekerwa mŋana here? NaSara, waʋa namakore anamakumi mapfumbamŋe, uŋgaɓereka here? 18Abrahama akati kunaMŋari: Ƌai Ishmaeri acirarama hake pamberi penyu! 19Mŋari akati kwaari: Kwete, asi Sara, mukadzi wako, ndiye ucakuɓerekera mŋanakomana, unofanira kumutumidza zita rinonzi Isaka; ndicaita suŋgano yaŋgu naye, iʋe suŋgano isiŋgaperi pakati paʋana ʋake ʋanomuteʋera. 20Kana ari Ishmaeri, ndakunzwa ʋo; tarira, ndamuropafadza, ndicamuɓerekesa ʋana ʋazhinji, nokumuwanzisa kwaɀo; ucaɓereka madzishe anegumi namaʋiri, ndicamuita rudzi rukuru. 21Asi suŋgano yaŋgu ndicaisimbisa naIsaka, uyo waucaɓerekerwa naSara neŋguʋa iyi makei. 22Akapedza kutaura naye, Mŋari akakwira acibva kunaAbrahama. 23Ipapo Abrahama wakatora Ishmaeri, mŋanakomana wake, naʋose ʋakaɀarwa mumba make, naʋose ʋakateŋgwa nemari yake, munhurume mumŋe nomumŋe kuʋanhu ʋakaŋga ʋari paimba yaAbrahama, akaʋadziŋgisa ɀikanda ɀaʋo ɀapamberi nomusi iwoyo, seɀaakaʋudzwa naMŋari. 24Abrahama wakaŋga anamakore anamakumi mapfumbamŋe nan apfumbamŋe musi wokudziŋgiswa kwake. 25Ishmaeri, mŋanakomana wake, wakaŋga anamakore anegumi namatatu musi wokudziŋgiswa kwake 26Nomusi uyo Abrahama wakadziŋgis a pamŋe cete naIshmaeri, ŋanakomana wake. 27Naʋarume ʋose ʋeimba yake, ʋakaŋga ʋaɀarirwa mumba make, naʋakaŋga ʋateŋgwa nemari kuʋatorwa, ʋakadziŋgiswa pamŋe cete naye.
Одоогоор Сонгогдсон:
Genesi 17: SUB1949
Тодруулга
Хуваалцах
Хувилах
Тодруулсан зүйлсээ бүх төхөөрөмждөө хадгалмаар байна уу? Бүртгүүлэх эсвэл нэвтэрнэ үү
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018